Makuwerere kuGreat Dyke Cycle tour

Abel Ndooka

ACHANGE ari makuwerere kuConcession nemusi weMugovera svondo rino apo vana vechikoro pamwe nevabereki vavo vachakwikwidza mumujaho weGreat Dyke Cycle Tour.

Mujaho uyu uri kurongwa nechikoro cheBarwick chakabatana nemasangano akasiyana uye uri kushandiswa senzira yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka izvo zviri kukanganisa vechidiki vakawanda.

Achitaura muHarare svondo rino, tour coordinator weGreat Dyke Cycle Tour pachikoro cheBarwick, Gloria Mafukidze, anoti mujaho uyu uripo pakubatsira kurwisa kushandiswa kwezvinodhaka nevechidiki.

“Takaronga mujaho uyu nechinangwa chekurwisa kutorwa kwezvinodhaka  nevechidiki.

“Vechidiki vakawanda vari kusiira chikoro panzira nekuda kwezvinodhaka, saka isu toda kuti vazive kuti mudoro nezvimwe zvinodhaka hapana chavanowana nekudaro vanofanira kukoshesa dzidzo yavo,” anodaro Mafukidze.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *