Makuwerere kumakwikwi eNAPH

Muchaneta Chimuka

KWAKANGA kusingadanwi anonzwa kumakwikwi eNational Association of Primary School Heads (NAPH) ezvikoro zvemuHarare ayo akaitirwa paAquatic Complex, kuChitungwiza, nomusi weChishanu chadarika.

Makwikwi aya aisanganisira mitambo yepasichigare nekuimba.

Mitambo yepercussion yakaitwa nevana veEarly Child Development (ECD) neveGrade 1.

Pamakwikwi ekuimba, zvikoro zvakakunda zvinosanganisira Blakiston Primary, Tangenhamo Chitungwiza Primary, Kuwadzana 6 Primary, Warren Park Primary, Budiriro Primary, Chembira Primary neQueensdale Primary.

Pamitambo yeJikinya zvikoro zvakakunda zvinosanganisira Glen View 5 Primary, ZRP Support Primary neChinembiri Primary.

Kuchizoti pamitambo yepercussion North Park Primary yakatora mukombe ichiteverwa neFarai Primary.

VaJustice Chiherenge, avo vanova munyori mukuru kuNAPH Chitungwiza District vari zvakare mukuru weFungisai Primary School, vanoti makwikwi aya achakwira makata apo ava kubva paProvince achienda kumitambo yenyika yose mwedzi uno.

“SeChitungwiza, tine donzvo rekuti tinotungamiririra vamwe vachitevera saka tine tarisiro yekukunda pamakwikwi aya. Tine rwiyo rwumwe chete rwunoimbwa nezvikoro zvose rwuri maringe nenyaya dzekurwiswa kwenyaya dzehuwori. Kuchizoti kuECD, vana vanga vachiimba rwiyo rwaiimbiwa kare rwunoti ‘Hande Kuchikoro Kana Warambidzwa Unofa Wakadaro Usina kudzidza’,” vanodaro.

Vanoti mitambo iyi yakatangira padanho repasi munzvimbo mbiri dzinoti Seke Area neZengeza Area.

Vakahwinha kwaSeke nevakahwinha kuZengeza vakapinda mumakwikwi eDistrict saka vakakunda ndivo vakapinda mumakwikwi eProvince.

“Saka tine zvikwata zvitanhatu zviri kukwikwidza pamitambo yevana muzviridzwa zvemazuva ano zvepercussion, kuimba, mitambo yechivanhu nekuridza ngoma.

“Mugore ra2017, Seke 7 Primary yakatora mukombe saka yakanomirira Harare Province ikaita nhamba 1 paNational, 2018 Zengeza Main ikanoita nhamba 3 kuBeitbridge nekudaro izvi zvinoratidza kuti Chitungwiza iri pamusoro kana takatarisa Updated Curriculum Based Competency munyaya dzemitambo,” vanodaro.

KuTraditional Dance, Dudzai Primary ndiyo yakatora mukombe ichiteverwa neTangenhamo Primary.

Makwikwi enyika yose aakatotanga musi weChipiri svondo rino uye anopera neChishanu chino.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *