Makwikwi eDstv: 4 vakatsvunha

Tandayi Motsi
VANA vechikoro vana vemuHarare nekwaMutare vakakunda mumakwikwi enyika yose ekunyora rondedzero nekudhirowa – eDStv Eutelsat Star Awards 2018 – vachamirira Zimbabwe mumakwikwi epasi rose ayo achaitwa munguva pfupi inotevera.Mukushi wemashoko kuMultiChoice Zimbabwe, Muzvare Liz Dziva, vanoti makwikwi aya akaitwa pasi rose apo nyika dzakawanda dzemuAfrica dzakakwikwidza.

“Tinofara kuti vakawanda vakapinda mumakwikwi aya muna2018 uye ongororo yezvakaunzwa nevari muZimbabwe yakatopera,” vanodaro.

Makwikwi ekunyora rondedzero (essay category) akahwinhwa naIsaiah Marikopo (19) wekuAllan Wilson High School, muHarare, achiteverwa (runner-up) naDevine Madzima (14) wekuDzivarasekwa High School, muHarare.

Muchikamu chemifananidzo (poster category) Munashe Chikuni (18) uyo anodzidza kuMutare Boys High ndiye akahwapura mubairo mukuru achiteverwa naMalvin Muparutsa (14) anodzidza pachikoro chimwe chete ichi.

“Tinofara kuzivisa veruzhinji mazita evana vechikoro vakahwinha padanho remakwikwi akaitwa munyika uye tinovimba kuti vachaita zvakanaka apo vanenge vave kukwikwidzana nevekune dzimwe nyika sezvo iye zvino vave kuzokwikwidza padanho repasi rose,” vanodaro Muzvare Dziva.

Zvichakadai, Muparutsa anoti anonzwa manyuku-nyuku nekubudirira kwaakaita.

“Ndiri kutoshamiswa nazvo, kuti ndini here ndakabudirira kudai mumakwikwi aya, kuti chokwadi zvakaitika kwandiri?” anodaro Muparutsa.

Mudzidzisi weArt paMutare Boys High, VaJawett Pedzeni, vanoti kukunda kwakaita Muparutsa naChikuni kunosimudzira zita rechikoro chavo.

“Kubva mumakore ose ekumashure, ndakwanisa kutungamirira vana vepachikoro cheMutare Boys High vachikunda mumakwikwi eDStv. Kuhwinha kwavaita gore rino kwaratidza kuti makwikwi aya nemukombe uyu wave wedu. Ndiri kunzwa kufara chose,” vanodaro.

Makwikwi aya anoitwa gore roga-roga neMultiChoice Africa yakabatana neEutelsat uye ane chinangwa chekuti vana vechikoro vafarire zvidzidzo zvesainzi.

Kubvira achitanga muna 2011, vadzidzi vemuZimbabwe vari kudadisa zvikuru mumakwikwi aya padanho repasi rose.

Ghana ichange ichipawo mibairo mumakwikwi eDStv Eutelsat Star Awards nemusi weChitatu chino uye vanenge vakunda vachazokwikwidzana nevekune dzimwe nyika.

Mudzidzi achakunda pasi rose mumakwikwi ekunyora rondedzero achazviwanira mubairo wekushanyira Eutelsat kuFrance achiperekedzwa nemubereki wake uko vachanopinda muchirongwa chekuparurwa kweroketi (live rocket launch) kuGuyana.

Achakunda vamwe vose mumakwikwi emifananidzo achawanawo mukana wekushanyira mahofisi eMultiChoice ari kuSouth Africa achiperekedzwa nemubereki wake uye vachaendawo kunzvimbo dzinosanganisira South African Space Agency kuHartbeesthoek.

Zvikoro zvine vana vachakunda mumakwikwi aya zvichaisirwawo masatelite dish eDStv pamwe nekupihwa terevhizheni uye nekuwanawo zvidzidzo zvepachena pasi pechirongwa cheDStv Education Package.

 

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×