Fungai Lupande
MUNYAYA inokatyamadza zvakanyanya, vanhu vashanu vemumhuri imwechete vanonzi vakarangana kuponda sadunhu anove hama yavo nemusi weKirisimasi kuitira kuti vagozotora humambo hwaaida kugadzwa.
Izvi vanonzi vakazviita vachitora mukana wekuurayiwa kwange kuchiitwa vanhu kuGuruve nguva pfupi yadarika.
Sadunhu John Chimana Chaora (54) vemubhuku raKazunga kuGuruve — avo vaifanira kugadzwa samambo — vakadzipwa kusvikira vafa hunova humhondi hunonzi hwakarongwa nehama yavo yepedyo yaida humambo uhu.
Mapurisa akatosunga Kelvin Katuruza Chaora (26), mukomana ane makore 16 okuberekwa, Chemika Gwenzi (33), Bvumbe Mandeya (35) naRanwes Chaora (58) nekuda kwehumondi uhu.
Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira kusungwa kwevashanu ava.
Vanoti mukuferefetwa kwenyaya iyi, zvakabuda pachena kuti humhondi uhu hwakanyatsorongwa kuti zvigoita sekuti kupondwa kwasadunhu ava kunodyidzana nenyaya dzekupondwa kwange kuchiitwa vanhu kuGuruve nguva pfupi yadarika.
“Mushakabvu uyu anonzi akashaikwa
nemusi wa28/12/25 mushure mekunge apedzisira kuonekwa ari paBowen Shops, Kazunga Village, Guruve nemusi wa25/12/25. Kuferefetwa kwakaitwa nemapurisa kwakaona pachisungwa vashanu ava uye kuwanikwa kwezvinhu zvemushakabvu.
“Mutumbi wakazowanikwa pedyo neAmbush Dam, Kazunga Village, Guruve nemusi wa31/12/25,” vanodaro Comm Nyathi.
Vanoti mushakabvu uyu akange asarudzwa kuti azogadzwa humambo, izvo zvakagumbura Ranwes Chaora, uyo anonzi ndiye akaronga humhondi uhu achibatsirwa nevamwe vake.
Nemusi weKirisimasi, Sadunhu Chaora vakaenda pagungano rechiitiko chemumhuri yavo mubhuku raZvivindi kwaMambo Chipuriro kwakare kuGuruve, vaive nemwanakomana wavo, Manyara Chaora (29).
Mushure mechiitiko ichi, vaviri ava vakadarika nepaBowen Business Centre vachinwa havo zvinwiwa.
Manyara akazobva ndokusiya baba vake pamagirosa apa uye ndokudzokera kumba.
Akazotarisa baba vake zvakare kuma8pm ndokuudzwa kuti vaive vachiri kumagirosa —inova nguva yekupedzisira Sadunhu Chaora yavakaonekwa vachiri vapenyu.
Pavasina kudzoka kumba, mhuri yavo yakabva yatanga kushungurudzika.
Pakazosvika musi wa26 Zvita, pakange pave nekutsvagwa kwavo kwaisanganisira mapurisa, mauto nevanhu vemunharaunda.
Nekuda kwemamiriro akaita zvinhu kuGuruve, pakutanga vanhu vakawanda vakafunga kuti humhondi uhu hunodyidzana nekupondwa kwevanhu kunonzi kuri kuitwa naAnymore Zvitsva, uyo ari kutsvagwa nemapurisa.
Apo kutsvagwa kwaienderera mberi, Manyara akatanga kutambira mashoko pane imwe nharembozha yababa vake aibva kuvanhu vaiti vakaona vasungwa vashanu ava vachitevera Sadunhu Chaora musi wavazoshaikwa.
Nyaya iyi yakazojeka apo mukomana ane makore 16 okuberekwa akawanikwa aine imwe nharembozha yemushakabvu.
Akazotungamira mapurisa kuenda kuna
Kelvin Chaora, uyo akawanikwa aine shangu dzemushakabvu.
Pavakabvunzurudzwa, vasungwa ava vakabvuma kuti vakadzipa Sadunhu Chaora uye ndokunorasa mutumbi wavo pedyo neAmbush Dam, uko wakazowanikwa nemapurisa wave kutowora.
Humhondi uhu hwakonzera kushamisika kwakanyanya kuGuruve, apo vagari vemudunhu iri vari kutadza kunzwisisa kuti kuda humambo kungakonzere here vanhu kuponda hama yavo.



