Mambo vorambidza kunwiwa kwedoro parufu

Ray Bande

MAMBO Chamutsa, vekuBuhera kudunhu reManicaland, vorambidza kunwiwa kwedoro parufu vachiti danho iri inzira yekudzoreredza ruremekedzo kuvafi pamwe nekuunza chiremerera pakati pevanhu vanenge varasikirwa nehama yavo.

Mambo Tinotenda Garepi Mavhurudza — avo vakatora humambo nemusi wa7 Kubvumbi, 2026 — vakazivisa nezvedanho iri kuburikidza nemasabhuku nemasadunhu emunzvimbo yavo, vachiti kunwa doro panguva yerufu kunoratidza kusaremekedza mushakabvu uye kuchikonzera kunetsana pakati pevanochema mushure mekunge vanhu vadhakwa.

Mutemo uyu uchamira seyambiro kwemavhiki matatu mushure mekuziviswa nemusi wa6 Nyamavhuvhu uye zvirango zvichatanga kushanda kubva musi wa27 Nyamavhuvhu, 2026.

Masabhuku nemasadunhu vakapihwa basa rekuona kuti mutemo uyu watevedzwa nemazvo pamwe nekuripisa vapari vemhosva.

Pasi pemutemo mutsva uyu, uyo unozivikanwa nekunzi By-law for Buhera for Respect of Funeral Proceedings” uyo wakakumikidzwa nemusi wa6 Nyamavhuvhu, 2026, kunwa doro pamusha pafiwa kana kumakuva; kuunza, kutengesa kana kugovera doro nezvimwe zvinodhaka pamariro; uye kurwisana, kutuka kana kukanganisa minamato nekutaura zvisina musoro — zvose zvinorambidzwa.

Hapana doro richabvumidzwa kusvika pamusha kana panzvimbo pane rufu kusvikira chirongwa chekuvigwa kwemushakubvu chapera.

Mhuri dzinenge dzafirwa dzine basa rekuona kuti hapana doro rinopinzwa muzvivanze kana dzimba dzavo panguva yerufu uye izvi zvinoitwa vachibatsirana nemasabhuku nemasadunhu.

Kudhakwa nedoro parufu kuchaona vapari vemhosva vachibhadharisa faindi yeUS$30 kana kuripiswa mbudzi, ukuwo kurwa kana kukanganisa hurongwa hwekuvigwa kwemushakabvu kunokwezva mari yedare neUS$50.

“Isu sedare raMambo Chamutsa, tiri kushushikana zvikuru nekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu panguva yekuradzikwa kwevashakabvu munzvimbo medu. Tichiona sekuti vanhu havacharemekedze vafi izvo zvinopesana netsika dzedu dzechivanhu. Vanenge vawirwa nerufu vanofanirwa kunyaradzwa murunyararo, uye kuchengetedza runyararo munharaunda pasi paMambo Chamutsa, mudunhu reBuhera.

“1. Izvi zvinoitirwa kudzoreredza tsika nemagariro edu zvine chekuita neruremekedzo rwevafi 2. Izvi zvinoitirwawo kudzivirira kurwisana nekupopotedzana parufu 3. Izvi tiri kuita kuti tisimudzire kuvigwa kwevadikani vedu murunyararo uye kuti tigone kunyaradza vafirwa murunyararo.

“Chikamu chechipiri: Zvisingabvumirwi: Kunwa doro pamusha pane mariro kana kumakuva. Kuunza kana kutengesa doro nezvimwe zvinodhaka zvose pamariro.

“Chikamu chechitatu: Mabasa anotarisirwa ega-ega: Mhuri yemushakabvu inofanira kuona kuti hapana doro rinopinzwa pamba pavo.

Masabhuku nemasadunhu vanofanira kutarisa nharaunda nekuona kuti hapana doro rinonwiwa pamariro. Vanofanirawo kuyeuchidza vanhu nezvemutemo mutsva uyu.

“Chikamu chechina: Chirango: Ani nani anenge awanikwa aine mhosva yekutyora mutemo uyu acharangwa sezvizvi:

Kuwanikwa nedoro parufu kunoita kuti munhu abhadhariswe US$30 kana mbudzi. Kurwa kana kukanganisa hurongwa hwekuvigwa kwemushakabvu kunokwezva muripo wedare pamwe nefaindi yeUS$50.

“Chikamu chechishanu: Nguva yeyambiro: Mavhiki matatu ekutanga mushure mekuziviswa kwemutemo mutsva uyu, ashandiswa senguva yekunyevera nedzidzo yakasimba. Mushure memusi wa27 Nyamavhuvhu 2026, tichazopa zvirango zvevapari vemhosva sezviri pamusoro apa.

Tinoda kuzivisa vanhu vese kuti tave munguva yemutemo mutsva uyu uye hatizoremekedze kuutyora kana zviito zvedu. Hama neshamwari sezvinodiwa netsika nemagariro edu,” rinodaro gwaro remutemo mutsva uyu.

Mambo Chamutsa vanotsinhira kuparurwa kwemutemo uyu, uyo watekeshera pamadandemutande uye uri kukonzera mitauro yakasiyana-siyana.

“Iyi inyaya hombe inoda kuti pave nesarudzo dzakadzama dzekugadzirisa zvinhu. Tiri kuona zvinhu zvinosemesa pamariro. Semuyenzaniso, pane mamwe mariro achangobva kuitika, mumwe wemumhuri akaenda kunonwa doro neshamwari dzake ndokuzodzoka vanhu vave kutoviga mushakabvu. Mukudhakwa kwavo, vakarayira vaiviga mufi kuti vachere guva idzva nokuti vakanga vasingafarire nzvimbo yaive pacherwa guva raaivigwa. Vakaita mhirizhonga yakanyanya zvekuti rimwe guva rakatosvika pakucherwa pedyo nerekutanga. Maitiro akadai haatenderwe uye haagamuchirike zvachose,” vanodaro.

Vakafanobata chigaro chaProvincial Director weLocal Government Services and Administration mudunhu reManicaland, VaJohn Misi, vakaramba kutaura nezvenyaya iyi vachiti havana ruzivo nezvedanho idzva iri.

“Zvakaoma kutaura nezvazvo sezvo tisiri kuziva kuti chii chiri kunyatsoitika,” vanodaro.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, VaPassmore Nyakureba, vekambani yemagweta yeMaunga Maanda and Associates, vanoti madzishe ane masimba ekutora matanho akadai sekurambidza kunwiwa kwedoro parufu, sezvo dziri nyaya dzinofambirana nekutevedzwa kwetsika nemagariro echivanhu, izvo zvinosiyana nzvimbo nenzvimbo.

“Hongu anogona kudaro, panogona kunge paine zvikonzero zvakasiyana, kune dzimwe nzvimbo vanhu havanwi doro panguva yerufu, kune dzimwe vanonwa. Saka zvinoenderana nemitemo yemunzvimbo. Mukupera kwezuva, inyaya yekuchengetedzwa kwetsika nemagariro akanaka,” vanodaro VaNyakureba.

Related Posts

Ndinobva kuGokwe uye ndinodada nazvo: Rev Chivaviro

Mathew Masinge MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mikurumbira uyo ahwina mibayiro yakawanda, Reverend Togarepi Chivaviro, anotenda kuti aita zvakakwana mukurwisa maonero asina kunaka anoitwa neveruzhinji pamusoro pevagari vekuGokwe, kudunhu reMidlands. Rev…

Chembere (63) yaponda murume nekumutema nedemo

Sukulwenkosi Dube CHEMBERE ine makore 63 ekuberekwa yekuGwanda yasungwa nemhosva yekuponda murume wayo ane makore 70 nekumutema mumusoro nedemo. Miriam Ndlovu, wemumusha weMatshetsheni, akatema Harold Ngwenya kaviri nemusoro nedemo apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×