Kingstone Mapupu
MURUME ane makore 31 okuberekwa anogara kuKingsdale, kuNorton, uyo anoti akarwisana negarwe kwemaminitsi makumi matatu, ari kutsvaga rubatsiro rwemari inodarika US$1 000 yokuti arapwe zvichitevera kutyorwa kwaakaitwa maoko ose nechikara ichi.
Garikayi Chiweshe, uyo kumusha anobva kwaSabhuku Muchinjiko, mudunhu raMambo Chiendambuya, kwaRusape, anoti akawirwa netsaona yekurumwa negarwe kuLake Chivero nomusi wa6 Kubvumbi mugore ra2025 apo aibata hove nemambure nevamwe vake kuma3 mambakwedza.
Anoti mukurwisana kwaakaita naro, garwe iri rakamutyora maoko ose, izvo zvave kukonzera kuti atadze kuita mabasa ekuzviraramisa. Nokudaro, ari kutsvaga rubatsiro rwunosanganisira rwekuzvirapisa.
“Ndakaita dambudziko rekurumwa negarwe musi wa6 Kubvumbi gore rakapera. Rakandityora maoko ose, ayo anoda kuiswa simbi, asi mari inodiwa nanachiremba handina,” anodaro Chiweshe.
Anoti akabva kumusha kwaChiendambuya ndokuenda kuNorton, kwaakatanga kuita basa rekubata hove mumadhamu nenzizi dzakakomberedza nzvimbo yeNorton achidzitengesa.
“Takaenda kuLake Chivero tiri vasere, ndokutanga kukanda mambure edu kuma3 kunze kwave kuedza. Senzira yokuti tirege kunyura, tose takasungirira zvigubhu zvemvura pamiviri yedu. Ini ndakazvisungirira zvigubhu zvemvura yaisvika marita 30,” anodaro Chiweshe.
Anoti iye nemumwe wake ndivo vakatanga kupinda mumvura, ndokuwarika mambure panzvimbo yakareba mamita anokwana zana.
Chiweshe anoti akabva azotsika garwe negumbo rake rekuruboshwe pavaifamba mumvura.
“Pandakatsika garwe iri, ndakataurira mumwe wangu kuti ndaive ndatsika ngwena hombe. Ipapo rakabva rasimudza musoro, ndokushama muromo waro, richibva randimbandika chiuno changu chose, ndokutanga kunditsenga,” anodaro Chiweshe.
Anoti akatsvaga musoro wegarwe iri apo raimudhonzera mumvura, achibva aribata mhuno nekuribaya mumaziso neminwe yeruoko rweruboshwe.
“Ipapo rakabva randinyudza mumvura, apo ndaishevedzera kune mumwe wangu kuti anditambidze banga. Akandisvitsa banga iri, ndikaritambira neruoko rwerudyi. Rakabva rasiya ruoko rweruboshwe, ndokuruma rwerudyi, urwo rwaive rwabata banga. Izvi zvakaita kuti banga rityoke ipapo,” anodaro Chiweshe.
Anoti garwe iri rakaramba richimudhonza rakaruma ruoko rwerudyi richienda naye kwakadzika.
“Handizivi kwakabva simba rangu. Ndakarwisana negarwe iri apo raiedza kundinyudza, tichiburitsana kunze kwemvura, tichiita chamupidigori kusvika rataridza kuneta. Iniwo ndakange ndave kuneta. Ndakazotanga kuridhonzera kunze rakandiruma ruoko kusvika paive nemvura yaisvika mumabvi,” anodaro Chiweshe.
Anoti ave kusvika kumahombekombe, akazobatwa nevamwe vake, avo vakatanga kumudhonza kusvikira ave kunze kwaionekwa jecha, iro garwe rakangomuruma chete paruoko.
“Raona kuti rave kuburitswa kunze, rakabva randisiya ruoko, ndokurova mvura nemuswe, richibva ratiza, richidzokera mumvura. Raimhanya zvakaomarara,” anodaro Chiweshe.
Anoti ave kunze, akadonhera pasi nekuneta. Akazosimudzwa nevamwe vake vanokwana vana, ndokumuisa pasaga, vachibva vamutakura kuenda naye kure nemvura.
“Vamwe vangu vakabva vanditakura, ndokundiendesa kumotokari, vachibva vaenda neni kuParirenyatwa (Group of Hospitals), uko ndakanotanga kurapwa. Ndakasvitsa mwedzi mitatu ndichirapwa muchipatara ichi. Dambudziko ravepo nderokuti maoko angu ose akatyoka ari kuda simbi kuti akwanise kushanda zvakare. Pari kudiwa mari inodarika US$1 000,” anodaro Chiweshe.
Anoti kunze kwekutyorwa maoko ose, chiuno chose chakadhindika mazino engwena. Zvakadaro, haana hake kuzotyorwa mabhonzo epahudyu.
“Ndakarumwa zvakare pachipfuva, ndikadziuka ronda, iro rakazopora zvaro. Maoko ndiwo anoda kutwasanudzwa nesimbi. Kurwisana kwandakaita negarwe iri kunogona kunge kwakatora maminitsi 30,” anodaro Chiweshe.
Anoti pari zvino ari kugara kumba kwavatezvara vake kuNorton, achitsvaga kubatsirwa panyaya yekurapiswa.
Kune vanoda kumubatsira, vanogona kumubata panhamba yenhare inoti 0783 647 686.
Mai Ogila Chiweshe (54), vanove amai vaChiweshe, vanoti vatambura nemwana wavo kuti akwanise kurapika.
“Ndakabva kumusha ndanzwa nezvetsaona yemwana uyu, ndikagara kuno kuHarare kwemwedzi mitatu. Handina ari kundibatsira paurwere hwemwana uyu sezvo ndakasiyana nababa vacho vanogara kwaSabhuku Gombiro, kwaMakumbe, kuBuhera,” vanodaro Mai Chiweshe.
Vanoti manenji anoramba achivatevera sezvo mumwe mwanasikana wavo akarohwa nemheni kusinganayi, akafa, gore rapera kwakare kwaRusape.




