‘Man U inoda kutenga Otamendi’

VALENCIA yakazivisa kuti pane chikwata chevanhu chakauya kwavari chichiti chinoda kutenga mutambi Nicolas Otamendi nemari inosvika 27 miriyoni paunzi – asi havasi kuzotaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi parizvino.

Muongorori wenhabvu ane mukurumbira kuSpain, Guillem Ballague, anoti akaudzwa kuti Manchester United ndiyo inoda kutenga Otamendi. Asi izvi zviri kurambwa zvakasimba nevari kuOld Trafford uye Valencia iri kuti Otamendi acharamba ari kuchikwata chavo mwaka uno.

Shasha iyi, iyo ine makore 26 okuberekwa, yakakwanisa kutambira nyika yayo yeArgentina ka26. Akatanga kutamba nhabvu achiri kumusha kwake kuVelez Sarsfield ndokuzobva achienda kuPorto mugore ra2010.

Valencia yakamutenga gore radarika muna Kukadzi ndokubva yamuendesa kuAtletico Minero kuBrazil nechikwereti.

Mwaka uno ange achitamba nhabvu zvinonwisa mvura achivhara bhora zvemberi uye akanwisa bhora rakavahwinisa apo vakakunda Real Madrid 2-1 kutanga kwemwedzi uno.

Matambiro aari kuita nhabvu pari zvino ndoari kutuma zvikwata zvizhinji muEurope kuti zvide kumutenga asi United inoti haipo pazvikwata zvinoda kumutenga. – Sky Sports News.

 

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×