zrp yoenda kumaAfrican Club Championships

CHIKWATA cheZimbabwe Republic Police Support Unit Volleyball Team chiri kutarisirwa kutanga gadziriro dzekuenda kumutambo weAfrican Club Championships Volleyball Tournament uyo chatambwa muna Kurume.

Mutambo uyu unogona kutambirwa kuEgypt kana kuti Lesotho.

Chikwata cheZRP Support Unit chakawana tikiti rekuenda kumitambo iyi apo pachakahwina menduru yesirivha kumitambo yeZone 5 Games iyo yakatambirwa kuMaputo, kuMozambique gore radarika.

Patron weZRP Support Unit Volleyball Club, Officer Commanding Police Support Unit Senior Assistant Commissioner Mekia Tanyanyiwa vanoti purovhinzi yavo ichapa rutsigiro rwakasimba kuchikwata chavo kuti chiende kumitambo iyi kunohwina.

Vanoti chichapinda mukembi pakupera kwemwedzi uno uye vanoda kuti chishande nesimba

kuitira kuti chigonosimudza mureza wenyika.

Aka ndekekutanga ZRP Support Unit ichibudirira kuenda kumitambo iyi.

“Tiri kufara kuti chikwata chedu chakawana mukana wekunomirira nyika kumitambo iyi iyo ichaitwa muna Kurume.

“Ichi chiremerera chikuru uye isu sepurovhinzi yeSupport Unit tichatsigira zvakasimba chikwata chedu kuti chiende kumitambo iyi chigonohwina.

“Kachange kari kekutanga kedu kuenda kumitambo iyi uye isu tiri kuda chaizvo kunorakidza Africa yese kuti tinogona nekudaro tinoda kunobata basa sebasa,” vakadaro Snr Asst Comm Tanyanyiwa.

Zvakadaro, vakatiwo zvakakosha kuti mamwe masangano akazvimirira abatsire mukukotsvera chikwata chavo.

“Tisu tichange tichikotsvera zvese zvechikwata chedu, mafambiro achichaita kuenda kumitambo iyi pamwe nepachichange chichiita gadziriro dzacho, asi hatikwanise kuzviita zvese tega saka tongochema-chema kune masangano akasiyana kuti apindire atibatsirewo,” vakadaro Snr Asst Comm Tanyanyiwa.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×