Maneja akabhinya murwere wepfungwa

Muchaneta Chimuka
Maneja wevashandi (human resources manager) pakambani yeHunyani Holdings anonzi akabata chibharo mumwe mukadzi anorwara nepfungwa pazororo reKirisimasi. Thembelihle Brian Ncube (47) akamiswa pamberi pamutongi Rumbidzai Mugwagwa uye ari kutongwa achibva mutirongo mushure mekunge dare ramuti akumbire bhero kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi Sebastian Mutizirwa anoti Ncube akaenda pavheranda rechimwe chitoro chiri kuSoutherton, muHarare apo painge parere mukadzi uyu ari mangwanani apo akatanga kushinha naye pajekerere.

Izvi Ncube anonzi akazviita pasina kuwirirana nemukadzi uyu asi midzimu yake yakadimbura mbereko sezvo akaonekwa neveruzhinji ari mushishi kumubata chibharo vachibva vanyeurira mapurisa zvikaita kuti asungwe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *