Manyuchi akawana mumwe mukotsveri

SHANGWITI yemutambo wetsiva, Charles Manyuchi uyo anga achichema-chema nenyaya yekushaya vakotsveri, ari mudenga rechinomwe zvichitevera kuwana kwaakaita mumwe mukotsveri anove muzvinhabhizimusi wekuMasvingo.

Manyuchi parizvino ndiye ane bhande reAfrican Boxing Union Championship pamwe nereWorld Boxing Council Champions uye ange achikotsverwa Eddison Zvobgo (Jnr) uyo akamira naye kubvira pakutanga kwerwendo rwake rwemutambo rwetsiva.

Zvakadaro, Manyuchi ari kufara zvikuru zvichitevera kuwana kwaakaita mumwe mukotsveri, VaTitus Gangata, avo vanove muzvinhabhizimusi kuMasvingo.

Muhurukuro naVaGangata svondo rino vakati vainge vazvipira kukotsvera shasha yetsiva iyi.

Vanoti Manyuchi ane chipo chikuru nekudaro chishuvo chavo kuti arambe achisimukira mumutambo uyu.

“Manyuchi mwana wandakaona kuti ane chipo uye handizeze kumubatsira nekuti ndinozviziva kuti haaite zvedambe nebasa rake. Ichokwadi kuti airasiswa zvakanyanya nevanhu vaizviti vanozvigona uye vaida kumubatsira asi panguva iyo anenge ava kuda rubatsiro vongonyangarika,” vakadaro VaGangata.

Manyuchi akatarisana nemakwishu makuru muna Mbudzi apo achange achirwa neshasha yekuGuyana kuAmerica, Ivan Vivian Harris, uye anoti ane chokwadi kuti achaita zvinorova kumutambo uyu.

“Ndiri kufara zvakanyanya, VaGangata vapindira panguva iyo ndange ndisingazvifungire uye ndanga ndisisina tariro yekuwana mukotsveri kunze kwaVaZvobgo avo vakamira neni kubvira pakutanga, ndichanorwa semvumba kuAmerica uye ndinoda kudadisa nyika ino,” akadaro Manyuchi.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×