Mimba yakabuda 43kgs dze‘chinhu’

11092014KWA-MAI-HAR-021MUDZIMAI uye wekuNorton, uyo anova muporofita weJohane Masowe weChishanu, wekuita makore matatu akazvimba dumbu zvekunge munhu akakurirwa zvakanyanya nemimba, akazovhiiwa namachiremba kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital svondo rapera ndokuburitswa chinhu chairema 43 kgs.

Madzimai Josephine “Mensista” Chavhunduka (37), vanogara kuMarshlands, vange vava nenguva refu vakazvimba dumbu vachitambura kuti vorapwa sei. Dambudziko ravo rakazoburitswa muKwayedza masvondo adarika.

“Ndakavhiiwa ndikaburitswa chinhu chinorema 43 kgs, ende zvakaoma,” vakadaro apo vaitaura vari muchipatara ichi.

Chief Executive Officer weChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vakatsinhira kuti mudzimai uyu akavhiiwa asi havana kukwanisa kutaura zvakawanda.

“Mudzimai uyu akavhiiwa, ari muchipatara muno asi iye zvino hamugone kumuona kana kutaura naye,” vakadaro.

Mai Mensista ndeve chitatu kubatsirwa kuChitungwiza Central Hospital mushure mekunge dambudziko ravo raburitswa neKwayedza. Mamwe madzimai maviri, Mai Maidei Nemhara vekuDomboshava avo vakavhiiwa vakaburitswa chinhu chairema 10 kgs naMai Portia Tapfumanei, avo vakawanikwa vaine chinhu chairema 25 kgs, vose vakabatsirwa pachena pachipatara ichi zvichitevera kubuda kwematambudziko avo muKwayedza.

Nguva yapera, Dr Moyo vakati madzimai akawanda ari kuramba achienda kuchipatara chavo vakazvimba matumbu vachitsvaga kubatsirwa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×