Manyuchi odzokera kumusha . . . Akabatsira nherera

SHASHA yetsiva Charles Manyuchi svondo rapera akabatsira nherera dzepaMother Teresa Children’s Home kwaMutoko nenhumbi dzekupfeka ndokutsidza kuramba achiyamura pane zvose zvadzingade.

Manyuchi, uyo ave nemukurumbira pasi rose zvichitevera kuzvambaradza kwaakaita Giauncula Frezza wekuItaly masvondo maviri adarika ndokuramba aine bhande rake reWorld Boxing Council, anoti akazvipira kusimudzira matunhu eMutoko neMudzi uko kwaakakurira.

Anoti zvakare achatsigira mitambo yose ichatambwa pachikoro cheChifamba High School, kuMudzi, apo paakadzidza.

Manyuchi anoti akakura upenyu hwekutamburira zvikuru izvo zvakamutuma kushanda nesimba kusvika ave shasha yetsiva pasi rose.

Anoti kutambudzika kwaakaita ndiko kuri kumutuma kuti asimudzire vechidiki kuti vagove neramangwana rakanaka. Achitaura nenherera dzepaMother Teresa Children’s Home, Manyuchi akati:

“Mune zvipo zvamuinazvo, musatye kana kunyara kuzviratidza nekuti zvichakubatsirai mune ramangwana renyu.

“Musarase tariro muupenyu hwenyu nekuti Mwari havambokusiyai, vane rudo nemi.

“Ini ndave shamwari yenyu zvachose, ndichagara ndiri pano ndichikubatsirai pane zvose zvamunoshuvira.”

Manyuchi akadzidza pachikoro cheChifamba High kubva gore ra2003 kusvika 2006 apo paakanyora bvunzo dzake dzeO-Level uye aive mutevedzeri waheadboy.

Anoti mukukura kwake aive shasha yemitambo yakawanda yakaita setsiva, nhabvu nekumhanya.

Akazozvipira kufambira mberi netsiva, iyo yakamuona achihwina menduru yegoridhe kumakwikwi emaNational Youth Games panguva yaaive kuchikoro.

“Ndinoda chaizvo kuona muMudzi muno uye pachikoro pangu pandakadzidza pachibva imwe shasha yemitambo yakasiyana ichisimukira seni.”

Mambo Nyamukoho, VaSamson Katsande, vakatenda Manyuchi nekuhwina kwaakaita kuItaly ndokumupa bhuru remombe uye chikoro cheChifamba High chakamupawo mbudzi imwe chete.

Mutungamiriri wenyika neHurumende President Mugabe svondo rapera vakapa Manyuchi $50 000 vachimutenda nekusimudzira kwaakaita mureza weZimbabwe apo akakunda Frezza mumutambo wekuItaly.

Kanzuru yeguta reHarare yakavimbisawo kuti ichapa Manyuchi nzvimbo yekuvakira imba yekugara.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×