‘Nyorai nyaya dzinovaka nyika’

SANGANO reEcumenical Church Leaders Forum rinokurudzira vatori venhau kuti vaite basa ravo nemazvo nekuburitsa nhau dzinosimudzira nyika kwete dzinokonzera kusagadzikana kana mhirizhonga.

Vachitaura pamusangano wemazuva matatu uyo vakaita nevatori venhau muHarare munguva pfupi yadarika, Bishop Ambrose Moyo, avo vanova chamangwiza weECLF, vakati vatori venhau vanofanira kuburitsa nyaya dzinokurudzira runyararo mumagariro evanhu.

“Kune dzimwe nyaya dzemhirizhonga dzinogona kutangwa nevatori venhau nepamusaka pemanyorero avanoita nhau dzichizoenda kune veruzhinji. Dzidzai kunyora nyaya dzinovaka nyika, nyaya dzinounza runyararo nebudiriro yedu sevanhu vatema pasina rusarura,” vakadaro.

Vanotiwo runyararo nekubatana kwakakosha zvikuru mumipanda yose yeupenyu.

“Nyaya dzerunyararo dziri mubumbiro remutemo nekuti dzakaonekwa dzakakosha muraramo yevanhu. Pasina runyararo hondo dzinomuka uye panova nekupatsanurana kwevanhu kana mapoka zvichidzosera shure upfumi hwenyika apo zvivakwa zvinoparadzwa nenguva diki zvisinei nekuti panenge pakatora makore mazhinji kuti zvinge zvichivapo,” vakadaro.

Reverend Sikhalo Cele, avo vanove murongi mukuru kusangano iri, vakati donzvo ravo semakereke ndere kukurudzira runyararo uye kugadzikana munyika.

“Takaona kuti kazhinji kana vanhu vachinge vaomerwa neupenyu nyaya dzemhirizhonga dzinowanda mudzimba, mumabasa kunyangwe panofamba vanhu munzendo. Saka kuti mhirizhonga inge ichirwiswa panofanira kutanga kuonekwa chikonzero kana mavambo ayo uye zvinofanira kuitwa nekukasika dambudziko risati rakura,” vakadaro.

Vanoti nyaya dzemhirizhonga dziri kuitika muzvikamu zvakasiyana zvakaita sekuvana apo vanobatwa chibharo, kurohwa, kunyimwa kudya uyewo nevanhu vakuru vari kusangana nemhirizhonga zvakare.

“Chikamu che80% chevanhu vari muZimbabwe vanonamata asi tinoona kuti nyaya dzemhirizhonga dzinoramba dzakadzika midzi. Sevatungamiriri vemakereke tinoedza nepose patinogona kuti tione kuti vanhu vari kurarama munyasha dzaMwari kana kuti murugare.

“Tinoda kubvisa tsika dzakaipa dzekuripiswa ngozi kwevanasika nekuti dzinombunyikidza kodzero dzavo,” vakadaro.

“Tinoda kuti veruzhinji vasiyane nenyaya dzekurwisana maringe nenyaya dzematongerwe enyika, kurwisana mudzimba nekuda kwezvinhu zvinenge zvakanganisika muwanano kana kushomekerwa nekudya.

“Tinoda kuti vange vachitarisana nenyaya dzine chekuita nebudiriro yeupfumi hwenyika uye kuchengetedzwa kwayo kuzere,” vakadaro.

 

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×