SVONDO rino tine imwe nyaya inosuwisa zvikuru, nyaya yemusikana weForm 2 wekuDomboshava, uyo akasiira chikoro panzira zvichitevera kupihwa kwaakaitwa pamuviri. Mukubuda kwenyaya iyi, vamwe vari kuti pamuviri apa ndepechikomba chaamai vake, vamwewo vachiti ndepasekuru, hanzvadzi yaamai vake. Nyaya yemusikana uyu handiyo yoga nekuti kune vamwe vezera rake kana vamwewo vachiri ndumurwa avo vari kusangana netsekwende yekupihwa pamiviri vasati vasamhuka.
Uku kukanganisa kodzero dzemwanasikana pamwe neremangwana rake.
Mitemo yenyika haitendere zvakadaro!
Iye zvino mwana uyu ave nepamuviri pave kuda kuzvarwa zvichireva kuti upenyu hwake hwose hwaenda mudondo.
Kazhinji vamwe vanasikana vari kupihwa pamuviri nevarume vakuru avo vasina hany’a nekuti vanenge vachikanganisa upenyu hwevana ava zvachose.
Vamwe varume vacho vanogona kudanana nevasikana vezera rimwe chete nevana kana kuti vazukuru vavo chaivo. Uhu ndihwo hutsinye hukuru nekuti kana usingade kuti mwanasikana wako akanganiswe chikoro kana kuti remangwana rake kuburikidza nekupihwa pamuviri pasina kurongeka, ko sei uchida kukanganisa vana vevamwe?
Pane matambudziko makukutu anosangana nevanasikana vanoita pamuviri vasati vayaruka ayo anosanganisira rufu pakusununguka nekuti miviri yavo inenge isati yasimba zvekusvika pakusununguka mwana zvisina dambudziko. Vamwe vevana ava ndivo zvakare vanosunungutswa kuburikidza neoparesheni sezvo vanosangana nezvigozhero panguva yekubereka.
Sekutaura kwemusikana uyu, anoti akapihwa pamuviri apa nasekuru vake apo vaimuvhundutsira izvo zvakaita kuti atye kutaura kumbunyikidzwa kwaaiitwa kuvabereki vake.
Zvakakosha kuti vabereki vagare vachiongorora vana vavo pose pavari nekuti zvinoita kuti vakwanise kuziva mamiriro ezvinhu.
Kana vari vanasikana zvakare, vanofanirwa kungwarirwa kuti vasasare nevanhurume, kana hama chaidzo, apo vabereki vavo vanenge vachifamba nzendo kana kungobva pamba kwechinguva.
Izvi hazvinei nekuti munhurume uyu angave wehukama here nekuti anogona zvakare kubhinya mwanasikana.
Chimwe chakosha ndechekuti vabereki vanofanira kuona kuti vana vavo vakasununguka kutaura zvose zvinenge zvichiitika kwavari nekuti kune vamwe vabereki vanoita kunge shumba zvekuti kana akawana chinomukanganisa anotya kutaura. Kana vana, zvikuru vanasikana, vasina kusununguka kutaura zvavanosangana nazvo kuvabereki vavo, vanogona kumbunyikidzwa vanyerere zvozobuda pachena apo dambudziko racho rinenge risisagadzirike. Zvakakoshawo kuti masangano anomirira vanhukadzi adzidzise pamwe nekurovedzera vanasikana pamusoro pekodzero dzavo.
Pamusoro pezvo, vanasikana vanofairwa kuwaniswa mukana wekudzidza nekuti kana vakawana fundo izere, vanokwanisa kuzvisarudzira zvavanoda muupenyu pasina kumbunyikidzwa.
Ibasa remunhu wose kuchengetedza pamwe nekusimudzira kodzero dzemwanasikana, kwete kuita mwana mukadzi.
Dai ari wako wainzwa sei?



