‘Ndinogadzira mheni’…Ndiyo pfuti yemunhu mutema: N’anga …‘Ikashaya mhosva inodzoka kumuridzi’

Kingstone Mapupu
N’ANGA yekuChipinge iri kuyambira veruzhinji kuti vasangotumidzirana mheni dzekugadzira nemishonga, kunyanya panguva ino yekunaya kwemvura, nekuti kana mheni yacho ikatumirwa kumunhu asina mhosva, inodzoka ichisvikorova iye anenge aitumidzira kana musha pake. VaCharles Ndunge, avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Ndunge, vekuSouth Downs, vakabuda pachena kuti vane hunyanzvi hwekugadzira mheni vachishanda pamwe chete nasahwira wavo anobva kuMatebeleland.

“Mheni dziriko ‘too much’. Dzinogadzirika, ibazooka chairo uye inogadzirika zvisina dambudziko. Asi inotumirwa chete kumunhu wawakatadzirana naye nekuti kusina mhosva inodzoka kuzorova iwe waituma.

“Inogadzirwa nemarasha emoto nemishonga. N’anga zhinji dzemunyika dzevatema muno muAfrica dzinogadzira mheni sezvinoitwa kuno kuChipinge neManicaland yose,” vanodaro.

Vanoti mheni inoshandiswa kana vanhu vapesana sekutanga kunongoita hondo.
“Ndinoshanda naVaAleck Moyo (65), mumwe chiremba ari pano uyo anobva kuBulawayo. Ndivo vakandidzidzisa mushonga wemheni uyo tinoshandisa taona kukosha kwenyaya yacho nekunoda kutumidzirwa.”

Sekuru Ndunge vanoti kune mheni yepasi neyemudenga idzo dzinosiyana magadzirirwo adzo.
“Takamboigadzira mheni iyi ndokushevedza vadzidzisi vemuno nevamwe vabereki kuti vazoona. VaMoyo vakaisa mavhunze muchikari ndokufamba nawo mheni ichibva yaputika ipapo vanhu vakapunzikira pasi,” vanodaro Sekuru Ndunge.

VaMoyo vanotsinhira vachiti iyi inzira yekuratidza masimba emishonga yechivanhu.
“Ini ndinobva kuTsholotsho ndinogadzira mheni zvisina dambudziko. Hausi utsinye uhu nekuti mheni yekugadzira inorova chete kune mhosva, ukarohwa nechibhakera unofanirwa kudzosera kuratidza kuti hausi mbwende,” vanodaro VaMoyo.

Vanoti mheni yaMwari yakasiyana marovero ayo neyekugadzira sezvo yekutumwa ichitevera munhu kana kumunda kana kudoro chaiko.
“Mheni dzose, yaMwari neyekutumirwa, dzinosiya mazai anofanirwa kuzobviswa nenyanzvi dzechivanhu nekuti akarega kubviswa inoramba ichidzoka kuzorova,” vanodaro VaMoyo.

Imwe n’anga yekuSouth Africa, Mbuya Agnes Mabaso (51), avo vakange vashanyira Sekuru Ndunge kumatare avo kuChipinge, vanotsigirawo kuti kune mheni dzekugadzira, kunyangwe ivo vachiti havazvikwanise.

“Zvinoratidza kukosha kwesimba rechivanhu nekuti muchena akavhundutswa anobuda nepfuti saka isu tinobuda nemheni nezvidhoma. Zvinhu zvinodadisa,” vanodaro.
Sekuru Ndunge vanotizve vane mishonga yekuworora mbavha kuti dzidzose zvadzinenge dzaba.

“Mbavha harisi dambudziko kwatiri nekuti munhu abirwa tikamugadzirira, zvinhu zvake zvinodzoka,” vanodaro.
Vanoti anenge aba paanodzosa zvinhu izvi anofanirwa kuripa nemombe kumunhu waanenge abira.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×