MAONERO EDU: Farai, muzive kuti kuna mangwana!

NGUVA iya inofarirwa nevanhu vakawanda yezororo reKisimusi neGoredzva yazosvika zvino. Kunzvimbo dzose dzenyika kunenge kusingadanwe anonzwa apo veruzhinji vanenge vachipemberera.

Zororo reKisimusi rinouya panguva imwecheteyo nezuva rekubatana, Unity Day, nereGoredzva izvo zvinoita kuti vashandi vawane mazuva ane chitsama ekunge vakazorora.

Vamwe vanoshandisa zororo iri zvakasiyana sekuita michato, kushanyira hama neshamwari pamwe nekuwana mukana wekushanda muminda.

Zvakadaro, zvakakosha kuziva kuti Kisimusi pamwe neGoredzva zvinouya zvichidarika uye upenyu hunofanira kuenderera mberi mune remangwana.

Tinodaro nekuti kune vamwe vanofarisisa zvekusvika pakupedza mari yose vachifara nekunwa nemhuri, hama neshamwari.

Ichokwadi kuti kufara pamwe chete nemhuri nehama hakuna kuipa. Asi zvakakoshawo kurangarira kuti mumwedzi waNdira vana vanenge vachifanira kudzokera kuchikoro.

Vana vanoda kubhadharirwa mari dzekuti vadzidze, kutengerwa mayunifomu, mabhuku nezvimwe zvinodiwa kuchikoro. Izvi zvagara zvinozivikanwa saka musazoita sekunge zvinhu zvitsva, zvangonyuka musingazive.

Iyambiro yedu kuti nguva ino ndiyo yekubhadhara mari dzechikoro dzevana nekutenga zvimwe zvekushandisa pane kuzomhanya mhanya nguva nemari zvapera.

Hazvibatsiri kuti vana vafare zviya zvekudambuka makumbo semakurwe vachidya nekunwa paKisimusi asi vozoshairwa mari dzechikoro.

Kunyangwe panyaya dzekutenga-tenga zvinhu panguva ino zvakaita sembatya dzevana dzeKisimusi, panoda kungwarirwa nekuti kune vamwe vezvitoro vane katsika kekuda kurozva vatengi kuburikidza nekukwidza mitengo.

Saka zvakakosha kuti veruzhinji vasangoita chitenge-tenge asi kuti vaone kuti zvinhu zvavari kutenga zviri kuenderana here nemari yavanenge vachibhadhara. Kune avo vari kufamba nzendo, ngavafambe nguva ichiripo kwete kuzomirira mazuva ekupedzesera nekuti zvinoita kuti vasangane nematambudziko akasiyana.

Gore negore kunowanzoitika matambudziko akadai sekuti vamwe vanenge vachifamba nzendo vanopedzisira vashaya zvekufambisa nekuti vanhu vanenge vachida kushanya vanenge vawandisa.

Vamwewo vemabhazi nevemakombi vanotora mukana uyu kukwidza mari zvisiri nekuti vanhu vanenge vakawanda inove tsika yakaipa zvikuru.

Vatyairi ngavafambewo zvakanaka mumigwagwa umu uyewo voona kuti motokari, mabhazi kana makombi avo akakodzera kuva pamigwagwa.

Nguva ino inowanzoitika tsaona mumigwagwa apo vanhu vanorasikirwa neupenyu kana kukuvara kuburikidza nenjodzi dzimwe dzacho dzinokwanisika kudzivirirwa. Tinogamuchira nemawoko maviri chiziviso chemapurisa chekuti vachange vachishanda siku nesikati mukuona kuti vatyairi vatevedzera mitemo yemumigwagwa panguva yezororo rino.

Gore rapera, vanhu gumi vakafa mutsaona dzemotokari pazuva reKisimusi chete zvinova zvinosuwisa zvikuru uye tsaona dzakaitika pazuva iri dzaive 87.

Tinokushuvirai zororo reKisimusi rakaropafadzwa!

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×