Rakatanga riri bundu l Atambudzwa nezinyama riri paziso

MUKADZI wechidiki wepapurazi reMendry kana kuti kuBonongwe, kuMarondera, otambudzwa nechirwere chaasingazive, chezinyama rakamera mumusoro make iro rave kuvhara ziso rake rekurudyi. Nekuda kwedambudziko iri, mukadzi uyu ave kugara achirwadziwa zvikuru nemusoro nemaziso.

Melody Chirara (32), uyo kumusha anobva kwaShe Neshangwe, kuChivhu, anoti dambudziko iri riri kumutadzisa zvakanyanyisa.

Ziso rekurudyi raCharara rakavharwa nezinyama iri zvekuti harichaona uye rinobuda hurwa.

Mukadzi uyu, uyo akaroorwa naSimon Mukunga makore gumi adarika, anoti dambudziko iri rakatanga mugore ra1988.

“Zinyama iri rakatanga riri bundu mumusoro ndokuzokura zvishoma nezvishoma kusvikira radai.

‘‘Ndakamboenda kuchipatara cheChivhu pakachekwa chidimbu chenyama uko ndakanzi ndiende kumachiremba nyanzvi asi mari handina,” anodaro Chirara.

Mudzimai uyu anoti anorarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana uyewo murume wake haashande nekudaro havakwanise kuwana mari yekuti anoona chiremba.

“Ndinotenda zvikuru murume wangu nekumira neni munguva yakaoma kudai zvisinei kuti haana mari inokwanirana yekuti ndibatsirikane. Ndinotsvaga rubatsiro rwemari kana machiremba anogona kundirapa,” anodaro.

Kuburikidza nedambudziko iri, Chirara anoti kune vamwe vanhu vanomunyomba nekuda kwehurema hwaanahwo.

Mai Nyarambi Sisini (43) vanova tete vaChirara uye vachitengesa vose pamusika, vanoti dzimwe nguva anombotadza kuenda kubasa nekuda kwekurwadziwa musoro nemaziso zvichikonzerwa nezinyama iri.

Chirara anoti vabereki vake vose vapenyu uye vanogara kumusha kuNjanja, kuChivhu, avo vasinawo chekuti vangamubatsire nacho.

“Amai vangu vakaremarawo asi kwete sezvandakaita. Ndinoshuvirawo kuti dai zinyama iri rabviswa ndigarewo zvakanaka.

“Vanoda kundibatsira vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0778 535 323 kana 0777 624 433,” anodaro Chirara.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×