MAONERO EDU: Fundo – Machechi anoda kutendwa

DZIDZO yemuZimbabwe iri kubudirira zvikuru nekuda kwemushandirapamwe uri pakati peHurumende, masangano akazvimirira pamwe nemachechi.Machechi ane chitsama muZimbabwe ari kuita basa guru rekusimudzira chikamu chefundo. Mamwe emakereke aya akatanga kuita basa iri kare-kare apo nyika yakange isati yawana kuzvitonga kuzere.

Kune machechi akaita seRoman Catholic, iyo ine zvikoro zvaizivikanwa kare sezvemamishinari uye ane mbiri yekubura shasha munyaya dzefundo.

Chimwe chezvikoro zviri pasi pechechi iyi iKutama Mission icho chiri kwaZvimba, kudunhu reMashonaland West, icho musi weSvondo 22 Kurume chinenge chichipemberera kusvitsa makore 100 chavambwa.

Hazvisi nyore kuti chikoro chipe dzidzo yemhando yepamusoro kwemakore anosvika zana nekudaro basa guru rakaitwa uye richiri kuitwa neKutama Mission rinofanira kutendwa.

Pachikoro apa ndipo zvakare pakadzidza mutungamiriri wenyika President Mugabe pamwe nemakurukota ane chitsama nevamwe vane zvigaro zvepamusoro muzvikamu zvakasiyana zvenyika.

Ichokwadi kuti kare muzvikoro zvizhinji zvemamishinari maidzidzwa uye muchiri kudzidzwa kusvikira nhasi uno.
Kunze kweKutama Mission, kune zvimwe zvikoro zvakare zviri pasi pechechi yeRoman Catholic izvo vadzidzi vanogara vachishura mare nekubudirira muzvidzidzo zvavo. Zvimwe zvacho zvinosanganisira Marist Nyanga, Monte Cassino neDete.

Nhasi uno zvakare kwave nemayunivhesiti ane chitsama ari pasi pemakereke akaita seAfrica University iyo iri pasi pechechi yeMethodist pamwe neCatholic University in Zimbabwe.

Basa riri kuitwa nemakereke akasiyana rinofanira kurumbidzwa zvikuru nekuti Hurumende yoga haingagone kusimudzira dzidzo.

Kazhinji vana vanodzidza kuzvikoro zviri pasi pemachechi vane hunhu hwakasiyana nevamwe nekuti vanodzidziswa tsika pamwe nehunhu hwakanaka.

Hongu, kune zvimwe zvikoro zvakazvimirira zvine vana vane hunhu hunoyemurika asi kakawanda kacho zvikoro zviri pasi pemakereke zvinorovedzera vana mukukura vaine tsika uye vachinamata Mwari. Zvinotoshamisa kunzwa kuti kune zvimwe zvikoro vana vanorambidzwa kunamata Mwari, wobva washaya kuti mweya wakaita sei wapinda mune vamwe vanhu.

Kana pakaramba paine mushandirapamwe uyu pakati peHurumende, masangano akazvimirira pamwe nevemachechi mukusimudzira dzidzo, Zimbabwe icharamba iri pamusoro pedzimwe nyika dzemuAfrica panyaya yevanhu vanogona kunyora nekuverenga.

Sungano iyi ngairambe iripo nekuti rwodzi rwakasungwa katatu harudambuki nhando.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×