MAONERO EDU: Hauna kufunda kana uchirasa rurimi rwaamai

NYIKA dzose pasi rino dzinozivikanwa nekuda kwemarudzi pamwe nemitauro inenge ichishandiswa kana kuti rurimi rwaamai.
Izvi ndizvo zvinopa musiyano pakati penyika imwe neimwe zvichireva kuti mutauro wakakosha. Munyika yeZimbabwe mune mitauro ine chitsama inoshandiswa uye mubumbiro remutemo wenyika idzva mitauro iyi inokwana 16 iyo yakacherechedzwa kuti inofanira kushandiswa.

Mitauro iyi yerurimi rwaamai iyi inosanganisira Chewa, Chibarwe, Kalanga, Tonga, Ndau, Shona, Ndebele nemimwe.

Asi dambudziko ravepo nderekuti kune vamwe vanhu, zvizvarwa zvenyika ino uye vasati vambotsika kana negumbo ravo kunyika dzinoshandisa mutauro wechiRungu, avo vave kutarisira mitauro yerurimi rwaamai pasi vachisusikidza zvisiri zvavo. Vanokanganwa kuti chiRungu chakauya nevauyi uye nechirungurira. Vanhu ivava vakaberekwa naamai nababa vanotaura mutauro wemuno, uye vanotevedza tsika dzenyika ino. Asi nhasi uno, nekuda kuti vanzi vakadzidza, vave kurasa mutauro wavo, zvose netsika, vachitevera zvisiri zvavo, zvevauyi.

Hauna kudzidza kwawakaita kana uchirasa zvekwako uchitora zvevamwe! Kana ivo vauyi vacho vanotokuseka vakakuona uchirasika kudaro. Svondo rapera, kambani huru pakudhinda mapepanhau, yeZimbabwe Newspapers (Zimpapers), kuburikidza nebepanhau reKwayedza, yakakotsvera zuva guru raive rakananga kusimudzira mutauro weShona iro rakaitirwa pachikoro cheKotwa High School, kuMudzi. Gungano iri rakapindwa nezvikoro zvakawanda zvemudunhu reMashonaland East apo donzvo raiva rekukurudzira mutauro waamai zvose netsika dzedu.

Mumashoko avo, Mai Chisamba, avo vaiva muyenzi anoremekedzwa, vakati vanoshushikana zvikuru nekatsika kari kuitwa nevamwe vechidiki pamwe nevakuru kekutarisira rurimi rwaamai pasi.Vakati zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kudada nerurimi rwaamai sezvo rwuchipa hunhu negwara rakajeka muupenyu.

Asi ndipo paunoona kuti mazuva ano kune vamwe vanhu vatema, vakaberekerwa pasi kwenyika kuDande kana kuChiredzi uko kwainge kusina chiRungu, vave vanotonyara kutaura nerurimi rwaamai kana vari paruzhinji. Hanzi, “Ndinozotarisirwa pasi ndichinzi handina kufunda.”

Vamwe unotoona vachimanikidza kamwana kane makore maviri kutaura nechirungu, kakatadza kachitorohwa kana kutukwa. Kukireshi hanzi kanoenda kusingataurwe chekwaamai. Tine hurombo nemi!

Chokwadi chaicho ndechekuti hapanai mutauro wakapfuma serurimi rwaamai. Nhasi uno kune dzimwe nyika dzakaita seChina neJapan idzo dziri kubudirira munyaya dzeupfumi asi dzichishandisa mutauro wekwavo, kwete wevauyi. Kunyika yeChina zvidzidzo zvakaita seScience, Geography kana Mathematics zvinoitwa nemutauro weko kwete nechiRungu nekudaro izvi zvinoita kuti vana vanzwisise nekukasika. Semaonero edu, hapanai chinotadzisawo zvikoro zvemuZimbabwe kuti zviite zvimwe chetezvo pakuti kana mwana asinganzwisise chidzidzo chakaita seAccounts otsanangurirwa nerurimi rwaamai.

Kune vamwe vanogona kufunga kuti kuita uku kunodzosera fundo shure asi izvi handizvo nekuti kana zvichishanda kune dzimwe nyika, hapanai chakaipa kuti timbozviedzawo. Inga wani chembere yekwaChivi inonzi yakabika mabwe ikanwa muto! Hongu, kuziva mimwe mitauro yakaita sechiRungu kwakanaka asi panozove nedambudziko kana chikange chave kunyanya kukosheswa kudarika mitauro yedu. Kana isu sevanhu vatema tikasadada nemutauro wedu achadada nawo ndiani?

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×