Maonero Edu: Havasi vose vanokubatsira

VANHU vakawanda mukurarama kwavo vanosangana nematambudziko akasiyana-siyana izvo zvinoita kuti vatsvage rubatsiro, kungave kuzvipatara, kuchechi, kun’anga kana kumaporofita.
Asi mukutsvaga rubatsiro uku vamwe vanopedzisira vapinda muna taisireva.
Muenzaniso ndewenyaya yatinayo svondo rino, yemumwe mudzimai wechidiki uyo anoti akatanga kuona masaramusi oitika muupenyu hwake mushure mekunge ashanyira rimwe sowe muHarare achida rubatsiro.

Sekutaura kwemudzimai uyu, aida kunobatsirwa kuti akwanise kudzokerana nemurume wake uyo waakange asiyana naye. Asi mukutsvaga rubatsiro uku, zvinhu zvakaenda nepamwe, akapedzisira ava nedambudziko iro anoti anoona achipinda pabonde nezinyoka kana nezvikwambo. Mudzimai uyu anoti zvakare anoona achichekwa muviri wake nemapanga nekukurumwa nenyuchi.

Chokwadi chaicho hapana angachizive sezvo muporofita ari kupomerwa kuti ndiye ari kukonzeresa masaramusi aya ari kuramba nyaya iyi. Anoti haazvizive!

Asi semaonero edu, zvakakosha kuti vanhu vasangotsvaga rubatsiro kwose-kwose, kunyanya kana vari vechidiki uye vari voga.

Kune vamwe vane katsika kekuti vakangonzwa kuti muporofita nhingi aita mbiri vanobva vamhanyirako izvo zvinogona kuita kuti mangwana vazodemba. Mazuva ano hazvishamise kuona kana kunzwa kuti mwana ane makore 16 aenda kumuporofita kana kun’anga. Ari oga pasina wechikuru!

Izvi zvasiyana nakare apo kun’anga kana kumaporofita kwaiendwa nevanhu vakuru chete uye vaienda semhuri kana kuti semusha wose kwete rumwe rumwe sezvave kuitika mazuva ano. Chazonyanya kukunetsa iwe mwana achiine mukaka pamhuno chii?

Nyaya tinodzinzwa, dzevanhukadzi vanoguma vabatwa chibharo kun’anga kana kumaporofita kwavanoenda vari voga. Dzimwe dzacho dzinongorova nyakutadzirwa onyara kuzviburitsa.

Veruzhinji vanofanira kuziva kuti kune maporofita nen’anga dzenhema uye vamwe vacho vanogona kunge vachishandisa mweya yerima yakaita sezvikwambo mubasa ravo.

Nekudaro vanhu ngavangwarire kuti vasangotenda maporofita nen’anga pose-pose. Matambudziko mukurarama ariko hongu, asi hazvisi zvekungoita chindoenda panyaya yekuda kubatsirwa.

Kune mamwe maporofita nen’anga vari kudya pfuma yemarema nenyaya yekuda kupona iyi. Hongu, kune vamwe vangave vekumakereke kana n’anga vanogona kubatsira vanhu mumatambudziko avanenge vachisangana nawo asi havazi vose vanozvigona.

Tinodaro nekuti vamwe vave kutotora nyaya yekubatsira vanhu pazvinhu zvemweya zvinenge zvichinetsa sebhizimusi rekuti vawane raramo. Chinoshamisa ndechekuti veruzhinji vanogara vachiyambirwa kuti vangwarire kana vachitsvaga rubatsiro kumaporofita kana n’anga asi kune vamwe vanoda kuzvionera pamhuno sefodya.

Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira!

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×