‘Handikude, ndakamanikidzwa kukuroora’

broken heartMargaret Chendambuya
MURUME wekuendeswa kudare achinzi abvise mendenenzi akati akamanikidzwa kuroora mukadzi uyu nevabereki.
Sheila Munyanyi akamhan’arira aimbova murume vake, Webster Freddy, kuHarare Civil Court achiti kubva zvakazvarwa mwana wake, hapana chaakambotenga.

“Ishe wangu, ndauyawo pamberi penyu nekuti ndinoda kubatsirwa kuti murume uyu achengete mhuri yake.
“Ndinoda mendenenzi yangu neyemwana nekuti haasati andipa gupuro, saka ndichiri mukadzi wake.

“Akandidzosera kuvabereki vangu handimbomunetsa.
“Hatigare tese asi iye anofanira kundibatsira kuchengeta mwana nekubhadhara rendi nekuti handisi kushanda.
“Ndinoenda kuchikoro zvekuti rendi ndiri kuibhadharirwa nehama yangu iye murume wangu ari mupenyu, achishanda,” akadaro Munyanyi.

Munyanyi akaenderera mberi achiti dai pasina rubatsiro rwaari kupihwa nehama dzake angadai ari kutambura zvakanyanya.

Freddy akaudza dare kuti aisada mukadzi uyu asi vabereki vake ndivo vakamumanikidza kumuroora paakaita pamuviri.

“Mukadzi uyu ndakadanana naye ndiine mukadzi wangu, kana iye aizviziva kuti ndine mhuri yangu. Handina kumbobvira ndagara naye, mubvunzei ari apa uyu.

“Mendenenzi yemwana wangu ndinobvisa asi iye ngaazvionere, haana kuremara uye ndinongokwanisa kumupa US$50 kwete US$100 yaari kuda,” akadaro Freddy.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Freddy abhadhare $75 pamwedzi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×