MAONERO EDU: Mhirizhonga yabva nepi?

SVONDO rapera, muHarare makaitika chiitiko chinosuwisa apo pakamuka mhirizhonga yezvematongerwo enyika zvikaita kuti vanhu vatanhatu varasikirwe neupenyu uye vamwe ndokukuvara.

Mhirizhonga iyi yakakonzera zvakare kuti midziyo nezvimwe zvivakwa zviparadzwe.

Pane motokari dzine chitsama dzakapiswa uye zvitoro nezvivakwa zvakapwanywa.

Zvinhu zvakange zvaita manyama amire nerongo muguta apo pakazoshevedzwa vanoona nezvekuchengetedzwa kwerunyararo nevemutemo munyika kuti vazopomhodza mhirizhonga iyi.

Mhirizhonga yakadai haikurudzirwe zvachose sezvo ichidzosera budiriro yenyika kumashure nekuti inokonzera kuparadzwa kwemidziyo.

Zimbabwe inyika inozivikanwa nekuva nevanhu vanoda runyararo, nekudaro zvinotoshamisa kuti mhirizhonga yakadai yakaitika pakati peguta apo nyika yose yaiva nerunyararo.

Chinoshamisa ndechekuti Zimbabwe yakaita sarudzo dzekutsvaga mutungamiriri wenyika, nhengo dzedare reParamende nemakanzura murunyararo.

Kunyangwe apo mapato ezvematongerwo enyika akasiyana aitsvaga rutsigiro sarudzo dzisati dzaitwa, izvi zvakaitwa murunyararo.

Musi chaiyo wekuvhota, 30 Chikunguru, vanhu vakavhota murunyararo rwaidaisa kumativi ose eZimbabwe.

Izvi zvakaona Zimbabwe ichirumbidzwa pasi rose nemapoka akauya kuzoongorora kuitwa kwesarudzo idzi ayo akabva kunze senyika zvikapa mucherechedzo wakanaka wenyika ino nezvizvarwa zvayo.

Zvakare, sarudzo idzi dzakave dzekutanga kuitwa murunyararo kana zvichienzaniswa nedzaiitwa muno makore adarika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakaratidzawo pasi rose kuti zvakabatana uye kuti zvinoda runyararo munaMbudzi wegore rapera apo pakave neHurumende itsva.

Nekudaro, zvinokahadzisa chose kuti ko mhirizhonga yakaitika muguta reHarare yakabva nepi.

Kune vamwe vane manomano vasiri kufara nerunyararo rwuri munyika pari zvino avo vane chidokwa-dokwa chekuti zvinhu zvisagadzikane muZimbabwe. Ndokusaka vakuru vakati hapana mvura isina chura uye kuti hura hwaMwari mapoka hwakazvara mbavha nevaroyi.

Zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvingwarire avo vanoda kukonzera nyonga-nyonga munyika.

Kana munyika mukave nemhirizhonga zvinokanganisa vanoda kuuya kuzovhura mabhizinesi muZimbabwe nekuti hapana anoda kuita bhizinesi munyika inenge iine bvongamupopoto.

Hapana zvakare nyika inosimukira kana muine mhirizhonga.

Ino inguva yekuisa zvido zvenyika pamberi nekuti hapanai imwe nyika yatinayo zvakare kunze kweZimbabwe.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×