MAONERO EDU: Mikana inoda kushandiswa

VAKURU vane chirevo chinoti, “Chawawana batisisa mudzimu haupe kaviri”, icho vazhinji vanozofunga nezvacho apo vanenge varasa kana kutambisa mikana yavanenge vambowana muupenyu hwavo.
Mukurarama, kazhinji munhu mumwe nemumwe anosangana nemukana wekuti avandudze kana kusimudzira upenyu hwake asi havazi vose vanoshandisa mikana iyi.

Chinofanira kuzivikanwa neveruzhinji ndechekuti Mwari havaridze bhero vachiti “ngana mukana wako wasvika” asi kuti zviri kwauri iwe kuti uzive kuti uyu mukana wangu nekuti ukarega uchidarika mangwana unozofuma wodemba.

Mukurarama kune vanhu vakawanda vari kutamba nemikana iyo vanenge vawana iyo inofanirwa kusandura upenyu hwavo.

Muenzaniso ndewe nyaya yatinayo svondo rino, yemumwe musharukwa wekuEpworth, uyo ane makore 92 ekuberekwa asi ari kudemba.

Sekuru ava, avo vanove n’anga, nhasi uno vari kukungura mikana yavakatambisa muupenyu hwavo.

Sekutaura kwavo, vanoti vane vana Zimbabwe yose, vazhinji vacho vavasingarangarire kuti varipi kunze kwe37 bedzi.

Chinoshamisa ndechekuti zvisinei nekuti sekuru ava vari kuti vane vana Zimbabwe yose, nhasi uno vari kudya nhoko dzezvironda uye pamba pavagere hapakodzere kugarwa nemunhu ane mbiri seyavo, sekutaura kwavo.

Musharukwa uyu haambonyari kutaura kuti upfumi hwake pamwe nemari zvakapedzwa nevakadzi sezvo achiti kwese kwaaienda kunoitira mabasa ake ehun’anga aisiya vana.

Zvisinei kuti anoti akavakira vakadzi vakawanda dzimba avo vaaidana navo, iye ari kugara mukamba kasina kukodzera, kanotibuka guruva kunge nhandare yenhabvu.

Sekuru ava vakadzidza chidzidzo nekuti vanoti vanogara vachiyambira vana vavo kuti vashandise mikana yavanenge vasangana nayo muupenyu kwete kutevedza nzira seyavakafamba nayo.

Kune vanhu vakawanda vakaita semusharukwa uyu vari kudemba pari zvino kuti vakatambisa mikana yavakawana asi yadeuka, yadeuka mvura yeguchu haidyorweri.

Vamwe vari kupedzera mari nepfuma kuzvinhu zvakasiyana zvakaita sekuromba mishonga yakaipa, kunwa doro pamwe nekuita chipfambi. Semaonero edu, mazuva ano kana munhu ukawana mukana itoubatisisa nekuti ukarega uchipunyuka uchifunga kuti mangwana uchawana mumwe unosara wakamira pamhene.

Kazhinji muupenyu kana munhu akatambisa mukana waanenge awana akazoona vamwe vave kushandisa mikana yavo anoita godo achikanganwa kuti iyewo akazvitambisira nguva yake. Pakadai apa ndipo panopedzisira munhu otsvaga huroyi achiti ndakundwa nangana.

Mune chipi zvacho munhu chaunowana muupenyu, unofanira kubatisisa nekuti hazvibatsire kuti dzizove nhamburiko dzehope tsvimborume kurota ichiyamwa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×