MWAKA uno Zimbabwe yakatarisana nenzara yakakomba iyo yaona Hurumende ichitora mamiriro ezvinhu aya senjodzi inoda rubatsiro rwechimbi-chimbi kubva kumapoka anobatsira, kusanganisira epasi rose.
Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanhu vanosvika 2,4 miriyoni vanoda rubatsiro rwezvekudya zvichitevera kusanaya kwemvura zvakanaka mwaka wekurima uno.
Zvakakosha kuziva kuti Zimbabwe handiyo bedzi yakatarisana nenzara sezvo dzimwe nyika dziri mudunhu reSadc dziine dambudziko rimwe chete rekushomeka kwezvekudya.
Nzara iyi yakonzera kushungurudzika kwevanhu zvikuru nekuda kwekushaya zvokudya zvekuti kune dzimwe nzvimbo, vamwe vari kunzi vave kubatsirikana nekudya michero.
Dambudziko iri riri kukanganisawo zvipfuyo zvakare sezvo zvimwe zviri kufa nekuda kwekushaya mafuro nemvura yekunwa.
Mombe dzinodarika 19 000 dzinonzi dzakafa nguva yadarika nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira zvirwere, kushomeka kwemafuro nemvura yekunwa.
Asi zvakadaro, Hurumende iri kuedza nepose painogona kubatsira vanhu vakatarisana nenzara kuburikidza nekuvapa chibage icho chimwe chacho chiri kutengwa kune dzimwe nyika sekuZambia.
Muzvikoro vamwe vana vanonzi vange vorega kuenda kunodzidza kana kutofenda nekuda kwenzara.
Hurumende yakatangawo chirongwa chekuti vana vapihwe zvekudya panguva iyo vanenge vari kuchikoro.
Rubatsiro rwuri kupihwa nemasangano akasiyana ayo anosanganisira reFood and Agricultural Organisation (FAO) rwunofanirwa kutendwa zvikuru nekuti rume rimwe harikombe churu.
Zvakadaro, veruzhinji vanofanira kunge vachibatsiranawo neHurumende nemamwe mapoka mukurwisa nzara iyi nenzira dzakasiyana.
Semuenzaniso, kune avo vanoshanda mumabasa sekumadhorobha nemaguta vanogona kubatsira kuburikidza nekutenga chibage kana hupfu vachitumira kuvabereki nehama dzavo dziri kumatunhu akatarisana nenzara.
Hongu, zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika munyaya dzeupfumi asika hazvirevi kuti kana munhu achikwanisa kubatsira ongogumbata mawoko achimirira kuti Hurumende ndiyo ichabatsira.
Ichokwadi kuti Hurumende inofanirwa kuyamura mhuri dzakatarisana nenzara uye ndosaka yakatora dambudziko iri senjodzi inoda rubatsiro rwekuchimbidza.
Asiwo vanokwanisa kubatsira hama neshamwari zvakanakawo kunge vachiyamura pakadai.
Dambudziko renzara rinopawo chidzidzo chekuti zvakakosha kuti mvura iri mumadhamu inge ichishandiswa muzvirongwa zvemadiridziro pane kumirira yekunaya.
Tinodaro nekuti kune madhamu ari kumativi mana enyika emadiridziro asina zvaari kuitiswa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana zvinosanganisira kusavepo kwemapombi ekuti mvura iyi inge ichishandiswa.
Tine chivimbo chekuti veruzhinji vakabatana pamwe chete neHurumende mukurwisa dambudziko iri hapana anofa nenzara nekuti rwodzi rwakasungwa katatu harudambuke nhando.



