‘Vechidiki rongekai’

Nyasha Bvudzijena naCourtney Munodawafa

SANGANO reNational Association of Non-Governmental Organisations (NANGO) rinoti vechidiki ndivo remangwana renyika, nekudaro vanofanira kusiyana nenyaya dzekutora zvinodhaka vonangana nekuzvishandira kuburikidza nemabasa emawoko ayo anovapa raramo.

Vachitaura vakamirira NANGO pagungano re2019 NANGO Expo rakaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika, VaMisheck Gondo, vanoti zvakakosha kuti vechidiki varonge remangwana ravo zvine hungwaru.

Musangano uyu wakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Musasiye vechidiki kumashure”.

Pagungano iri, masangano anosanganisira Zimbabwe Famers Union (ZFU), Jekesa Pfungwa, National Association of Youth Organisations (NAYO) neYouth Empowerment Transformation Trust (YETT) akapa vechidiki dzidziso inovabatsira muupenyu hwavo.

“Vechidiki mazuva ano vari kutadza kuenda kumabasa kana kuzvitangira mabhizimusi avo. Izvi zviri kuzoita kuti vamwe vavo vazopedzisira vasarudza kutora zvinodhaka kana kupinda mumabasa akaipa sekuba kana kubhinya.

“Musangano wanhasi uripo pakudzidzisa vechidiki kuti vadzidzire kushandisa mawoko avo kuita zvinounza pundutso uye kuziva kodzero dzavo,” vanodaro VaGondo.

VaTadiwanashe Grand vekuZFU vanoti sangano ravo riri kuita zvirongwa zvinokurudzira vechidiki kuti vaite mabhindauko ekurima.

“SeZFU, tinoshanyira varimi vechidiki kuminda yavo tichiona uye kuvadzidzisa nzira dzakanaka dzekurima. Chirongwa chedu ichi chiri kubatsira varimi vechidiki nekuti vazhinji vanopinda mune zvekurima vasina ruzivo rwakakwana,” vanodaro.

Mai Mary Hapadziwe vesangano reJekesa Pfungwa vanokurudzira vechidiki kuti vasamhanyire kuroorwa kana kuoora vasati vabve zera.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *