MAONERO EDU: Tb: Iwe neni tine basa!

NYIKA yeZimbabwe ichangobva mukubatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rekurwisa kupararira kwechirwere cherurindi, reWorld TB Day. Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Tinoda vatungamiriri vanorwira kupedzwa kwechirwere cherurindi muZimbabwe. Unokwanisa kuita nhoroondo yekupedza TB”.

Dingindira remhemberero idzi rinoburitsa pachena kuti kana vatungamiriri munyaya dzeutano vakaita chirwirangwe neveruzhinji kuburikidza nekubatana, nyika inokwanisa kukunda kupararira kweTB.

Izvi zvinoreva kuti zvakakosha kuti veruzhinji vawane dzidziso izere pamusoro pechirwere cherurindi sekuti chinotapurirwa pamwe nekudzivirirwa sei.

Sekutaura kwegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, Zimbabwe inoda kuti inge yakunda dambudziko rekupararira kweTB panosvika gore ra2030.

Kupedzwa kwechirwere ichi panosvika 2030 kunoenderana nezviri mumagwaro ebudiriro eUnited Nations Strategic Development Goals neWorld Health Organisation (WHO) apo Zimbabwe iri panhamba 30 pakati nyika dziri kutambudzwa zvakanyanya neTB.

Danho iri rinokwanisika bedzi kana pakave nekubatana mukurwisa kupararira kwedenda iri. Zvinokwanisika kuti kupararira kwechirwere cherurindi kunge kuchipedzwa sezvakaita denda repolio iro rakanetsa zvikuru makore adarika. Nhasi uno chirwere chepolio hakuchina kuburikidza nekuzvipira kweHurumende mukusimudzira nyaya dzeutano munyika pamwe nedzidziso yaiwaniswa veruzhinji pamusoro pematanho avanofanira kutora mukudzivirira chirwere ichi.

Asiwo, kune vakawanda vasina ruzivo rwekuti TB inorapwa pachena muZimbabwe nekudaro zvakakosha kuti ruzivo pamusoro pechirwere ichi rwunge rwuchikushwa zvakazara. Kune vamwewo vanosema varwere veTB nekuda kwemafungiro asina kunaka ekuti munhu ane rurindi anenge aine utachiona hweHIV. Kwete, aya mafungiro anodzorera shure hondo yekurwisa TB. TB chitori chirwere chakazvimirira uye chakagara chiriko kunyangwe pamakore ayo HIV and AIDS zvakange zvisati zvaveko.

Unogona kubata TB pauri ipapo uye hutachiwana hwacho hunowanikwa chipo chepose-pose – mumba, panze, muchechi, muchikoro, muzvipatara, mumabasa, mumabhazi, munzvimbo zhinji dzinosvika vanhu.

Naizvozvo munhu wose ari panyatwa yekubata chirwere ichi, ndokunge muviri wake ukasakwanisa kuchidzivirira.

Chakakosha kuona kuti pane vanhu pane mhepo inonyatsofefetera seimwe yenzira dzekuderedza kuchibata. Saka hachizi chokwadi kuti munhu wose ane TB anenge aine utachiona hweHIV. Machiremba oga ndiwo anokwanisa kuvheneka munhu oona kuti ane TB here kana kuti ane utachiona hweHIV.

Zvakakoshawo kuti veruzhinji vaende kunovhenekwa TB nguva ichiripo sezvo iri nyore kurapwa kana ichangotanga kana zvichienzaniswa nepainenge yadingindira mumuviri. Kune vamwewo vane pfungwa dzekuti rurindi rwunokonzerwa nemweya wetsvina zvinove zvisirizvo. Chinofadza ndechekuti kune dzimwe n’anga nemaporofita vanogaroita misangano nevebazi reutano avo vanodzidziswa mabatirwo evarwere uye kuvakurudzira kuenda kuzvipatara kana kumakiriniki kana vaona vaine zvirwere zvakaita seTB.

Semaonero edu, kana pakave nekubatana pamwe nekushanda nesimba, zvinokwanisika kukunda muhondo yekudzivirira kupararira kweTB gore ra2030 risati rasvika. Tinodaro nekuti rwodzi rwakasungwa rutatu harudambuke nyore. Ibasa remunhu wose kurwisa kupararira kwechirwere cherurindi.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×