NEMUSI weMuvhuro unotevera (11 Nyamavhuvhu), zvizvarwa zveZimbabwe zvichabatana mukupemberera zuva guru remagamba (Heroes Day), iro rakakosha zvakanyanya munhoroondo yenyika.
Mhemberero idzi dziri kubva dzabatana nedzezuva guru zvakare remauto (Defence Forces Day) nemusi weChipiri.
Mazuva maviri aya akasanangurika nokuti huchapupu hwokuti kuzvitonga kuzere kwenyika yeZimbabwe hakuna kuuya nyore.
Zvaida kuzvipira kwemagamba nedzimwe mhare dzakarwa muhondo yeChimurenga, yekusunungura
nyika kubva kuutongi hwehudzvanyiriri hwevachena kana kuti vapambepfumi.
Kune zviuru nezviuru zvevarwi vakafa muhondo, chinangwa chikuru chiri chokuti Zimbabwe ive nekuzvitonga kuzere, uko yave nako muzuva ranhasi.
Vamwe ndivo vakaremadzwa nokuda kwehondo asi havana kuda kudududza kana kudzokera kumashure.
Nhasi uno kune vamwe vakafira muhondo vane makuva asati azivikanwa kwaari.
Mamwe marinda ari munyika dzakapoteredza Zimbabwe dzakadai seMozambique neZambia.
Zvakatora ushingi hwevanakomana nevanasikana vemuZimbabwe, avo vakazvipira kurwisa vachena mushure mekudzvanyirirwa munyika yavo yechipikirwa.
Nyika isati yawana kuzvitonga kuzere, ivhu rakakorera raive revachena, apo vatema vaipihwa nzvimbo dzekugara nekurima dzine rukangarabwe.
Upfumi hwenyika hwakange huri mumaoko evachena.
Muguta reHarare mune dzimwe nzvimbo dzinosanganisira First Street idzo vanhu vatema vairambidzwa kusvika. Vaitofanirwa kupihwa gwaro nevachena raivabvumidza kuendako, richijekesa chinangwa chacho.
Mumabasa, muchena aipihwa mari yakawanda kudarika munhu mutema kunyangwe vachiita mushando mumwe chete.
Zvakakosha kuti nhoroondo yerusununguko rweZimbabwe isimbiswe mune vechidiki kuitira kuti vazive kuti rusununguko urwu haruna kuuya nyore.
Zvakakoshawo kuti voruzhinji varambe vachitondedzwa nezvenhoroondo iyi kuitira kuti vasakanganwe chazuro nehope.
Nyika yawana kuzvitonga kuzere, mauto ari kuita basa guru rekuichengetedza kubva kumuvengi.
Ari kubatsira zvakare muzvirongwa zvakasiyana-siyana zvekusimudzira budiriro yenyika.
Zvirongwa izvi zvinosanganisira rubatsiro mukuvakwa kwezvikoro pamwe chete nemakiriniki.
Munguva yemafashamu, mauto ari kuita basa guru rekununura vanhu vanenge vasangana nedambudziko rakadai.
Mhemberero dzezuva remagamba neremauto hadzinei nokuti munhu anotsigira bato ripi rezvematongerwo enyika asi kuti ndedzemunhu wose ari chizvarwa cheZimbabwe.
Zvakadai, panguva yezororo iri, vanhu vakawanda vanenge vachiita nzendo dzakasiyana-siyana uye makore ose tsaona dzemumigwagwa dzinowandawo.
Zvakakosha kuti vatyairi vatevedzere mitemo mumigwagwa nechinangwa chekuchengetedza upenyu hwavo pamwe chete nehwevamwe.




