‘Mazuva emagamba, mauto akakosha’

Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo Zimbabwe yatarisana nekupemberera zuva guru remagamba (Heroes Day) neremauto (Defence Forces Day), vamwe vanoita basa rekutengesa maruva muguta reHarare vanoti mazuva aya akakosha zvikuru uye vanotenda nokuda kwerunyararo rwuri munyika, izvo zviri kuita kuti vabate mabasa avo vakasununguka.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vanotengesa maruva muguta reHarare, avo vanorumbidza magamba akarwira rusununguko rweZimbabwe.

VaGeorge Mabayi, vanove mutevedzeri wasachigaro weAfrica Unity Square Flower Market muHarare, vanoti vanofara zvikuru apo ruzhinji rwenyika rwuri kugadzirira kuremekedza magamba akarwira rusununguko rwenyika.

“Kuti tive vanamuzvinabhizimusi vari kutengesa maruva pano munyika ine runyararo, inhau yemagamba edu akarwa muhondo yeChimurenga, saka tinozvikoshesa izvozvo. Panguva yezororo remagamba, tichange tiri pano neuwandu hwedu, tichitengesa maruva akasiyana-siyana nokuti kune vanoda ekuisa pamakuva uye kune vamwe, uyu ndiwo mukana wavanoshandisa mukuitawo mitambo nemabiko emichato, saka vanenge vachidawo maruva anofambirana navo,” vanodaro.

VaMabayi vanoti bhizimusi remaruva rakakosha zvikuru sezvo richiraramisa mhuri zhinji.

“Tine vatengesi vemaruva vakawanda munyika vari kutoendesa vana kuzvikoro. Maruva mazhinji tinoatenga kunyika dzakadai seKenya neChina, asi mamwe ndiwo aye ekugadzira (artificial flowers). Saka maruva iwayo anodhura kuhodha nokuti vanotitengesera vacho vanenge vadhurirwawo pakuapinza muno.

“Kurimwa kwemaruva munyika muno kuchakaderera, izvo zvinoita kuti tipone nemaruva anobva kunze. Kuarima kwacho kunodhura nokuti anenge achida kurimirwa mumagreenhouse maasingabatwi nezvirwere kuti akure zvakanaka. Kuva negreenhouse kwacho kunodhura, ndochikonzero sei tiine maruva mashoma uye achidhura,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Ita Magodo, avo vave nemakore 15 vari mubhizimusi remaruva, vachiti vari kutarisira kuve nevatengi vakawanda vemaruva panguva yezororo remagamba neremauto.

“Kazhinji, pazororo remagamba makasitoma anowanda, saka takatoita maodha akawanda kuti vatengi vedu vasashoterwe. Tichawanza maruva ekumakuva nokuti ndiyo nguva inouya vadikanwi vachizotengera hama dzavo dzakashaya maruva senzira yekuvarangarira,” vanodaro.

Mukomana wechidiki — Tawanda Pagara  —  anoti ave nemakore gumi ari mubhizimusi remaruva uye anotenda runyararo rwuri munyika rwunoita kuti mabasa akasiyana-siyana aendeke.

“Rusununguko rwakakosha. Tingatambure zvedu pane zvimwe asi runyararo rwuri munyika muno ndirwo rwunongondipasa manyemwe. Kuvatengi vemaruva, ndinongoti ndakakurongerai zvihombe.

“Ndine hudobidobi hwemaruva emhando dzakasiyana-siyana ekufadza nekunyaradza hama nevadikanwi panguva yezororo rakakosha kudai,” anodaro.

VaTaurai Nyamukarika vanoti
vari kutoshanda siku nesikati mukagadzira maruva kuti vagutse makasitoma avo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×