Mapatya vekubatwa huchapa vakatorwa

DAVID Zavari
DAVID Zavari

Nyasha Mutena
VANA mapatya vane makore ari pasi pemaviri okuberekwa vekuChitungwiza, vekugara vachibatwa huchapa nababa vavo pamwe chete nemudzimai wavo, vanonzi vakazotorwa kuti vanochengetwa nevebazi rinoona nekubatsirwa kwevanotambura, reSocial Welfare. Izvi zvinotevera kubuda kwenyaya yekushungurudzwa kwevana Godknows naPaida Zavari muKwayedza svondo rapera pashure apo vainzi vanobatwa huchapa vachinyimwa chikafu nekurapiswa nababa vavo, David Zavari.

Zavari akasiyana naamai vemapatya aya, Beauty Tigere, apo akazotanga kugara naShelter Shindi semukadzi wake.
Zavari naShindi vari kunzi vaigara vachishungurudza mapatya aya nenzira dzakasiyana dzinosanganisira kuvanyima zvekudya vachivarova.
Svondo rapera Kwayedza yakatanga yakataura naZavari panhare uyo akati vana mapatya ava “vakatorwa neWelfare”.

“Vana vangu vakatorwa neWelfare because yenyu makaburitsa nyaya. Makazviitirei? Honai vana vangu vakaenda.
“Kana mukadzi handisisina, akabva aenda kumusha kwavo kuSanyati nemhaka yenyaya yamakaburitsa kuti vana havasi kubatwa mushe,” akadaro Zavari achipopota.

SHELTER Shindi
SHELTER Shindi

Paakabvunzwa kuti akaroora here mukadzi waaiti akangoenda uyu, Zavari akapindura achiti:
“Ndakangobvisa $20 bedzi. Ndange ndisina kunyatsoroora. Chionai zvamakakonzeresa, mukadzi handichina plus vana vakatorwa neWelfare.”
Pava pashure, Zavari akati haana hanya nekubuda mubepanhau uye akanzi neveSocial Welfare yekwaMakoni, kuChitungwiza, avo vanonzi vakatora vana ava, vasataure nevatori venhau.

Zavari akazotanga kudya marasha achiti haadi kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi.
“Imi makakwana here? Inga murimbwa dzevanhu. Saka ndizvo zvamunoswera muchiita zvisina maturo izvozvo? Ko kana muine rudo makadii kuuya nezvokudya takapa vana?

CONSTANCE Chirodzera
CONSTANCE Chirodzera

“Munoshaya zvekuita, vana vacho ndevenyu here? Zvinei neruzhinji zvamakabuditsa izvozvo? Manje hamusi kuziva munhu wa’madhila’ naye. Izvozvi vekuWelfare ndivo vari kuona nezvenyaya iyoyo miraika muone zvavachakuitai,” akadaro.
Apa ndipo paakati Shindi akamusiya achienda kumusha kwake “sezvo akavhundutswa nekubuda kwayakaita”.

Zavari anoti zvichitevera kubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza, vabereki vaShindi vakabva vati vanoda mari yeroora yakakwana vachiti haangagare nemwana wavo pasina chaakabvisa.

THEOPHELOUS Chigubhu
THEOPHELOUS Chigubhu

Asi vatori venhau pavakadzokera kumba kwaZavari kuUnit D, kuChitungwiza svondo rino, mukadzi ainzi akadzokera kumusha kwake uyu ainge aripo. Iye Zavari akawanikwa akatozvirarira mumba, asi vana mapatya ava vasisipo.

Zvichakadai, Theophelous Chigubhu (26), uyo anova ambuya vemapatya aya akatenda Kwayedza nekufumura kwayakaita murume nemukadzi vaishungurudza vana ava.

Mumwe muvakidzani waZavari, Constance Chirodzera (42) anotiwo Zavari nemudzimai wake Shindi vanofanirwa kusungwa nekuda kwehutsinye hwavaiitira mapatya aya.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×