Ticha Danga
RWENDO rwuno ndakaona kunge matenga anga akatizarukira mumapepa akanyorwa pabvunzo imo muno muna Gumiguru. Ongororo netsvakurudzo zvakaburitsa kuti vana vakarerukirwa kunyanya repepa repiri raigaropa vana dambudziko.
Misoro yenyaya iri mishanu waitoshaya wekusiya, yose zvayo yaiendeka uye yakanga ichipa vana mikana yekuratidza zvavakadzidziswa.
Zvino chiShona chinoti kunaka kwechimwe kushata kwechimwe. Apa ndiri kuti hongu mapepa ainyoreka asi chokwadi kuratidza hunyanzvi hwakapfuura vana vose vakanyora muZimbabwe pamusoro wenyaya wawakasarudza. Waitofanirwa kuburitsa mutakunanzva werondedzero wekuti wose aiverenga aibatwa mbariro dzepfungwa.
Zvino kune vaya vaingosairira rondedzero dzakapora vachawanawo mibairo yakapora. Nokudaro kwaitoda kukunya pakuburitsa hutsanzi hwakasiyana nerumwe rudhende rwose.
Hutsanzi hunobuda chete kana pakava negadziriro yakakwana yekuti vana vagogona kutevedzera. Hongu tinoda rondedzero kuti dzive nezvirunga mutauro tongodira murondedzero izvo zvisina zvazvinodudza.
Ndipo panodiwa hunyanzvi pakusarudza musoro wenyaya.
Tikatora semusoro wenyaya wekutanga waiti “Nyora rondedzero pamusoro pemhuka yaunofarira” wotoziva kuti zvirungamutauro zvako hazviwandi sezveuya atora musoro unoti “Dai ndakaziva haitungamiri”.
Zirungamutauro zvingadiwa mukutsanangudza mhuka zvingava zvefananidzo nezvipauro chete. Kana wokanda tsumo, madimikira nenyaudzosingwi zvinenge zvava zvekutotsvagiridza.
Uya asarudza musoro wekuti “Dai ndakaziva haitungamiri” anenge aine dziva rezvirungamutauro umo achatoneta nekunyurura zvaanenge achida kushandisa.
Tsumo nemadimikira zvinonyatsodemana murondedzero imomo kuburikidza nekugona kwake kuzvishandisa. Idzo nyaudzosingwi dzinodirana zvekuti anotopedzisira onina. Kana zviri zvefanandidzo hatitotaura nekuti panenge pakatooma.
Musoro wenyaya wepiri waiva wekunyora nhauriro pakati peshamwari mbiri. Uyu musoro unoda vana vakaudzidzira nekuti kana wanga usina kumbodzidzira zvinoita nyore kubuda mugwara. Nokudaro, zvaitoda kunge uchiziva matangirwo erondedzero iyi nemapedzerwo ayo. Pakadai zvirungamutauro ndezvekutsvagiridza zvakare.
Panga pakanyanya kubooka panga pari patsamba yekukoka shamwari kumabiko ebhavhadhe. Chinongodiwa apo kunyora kero yako imwe chete uchitevedzera zvose zvinodiwa pakero. Wabva ipapo woenda kune wauri kunyorera wochidudza zita rake wobva wotopinda mumutumbi umo maidiwa kuburitswa nyaya yebhavhadhe.
Hapana zvimwe zvizhinji zvaidiwa kunze kwekuzosimbisa shamwari kana wapedza kuipa zvaangatarisira zuva rebhavhadhe racho.
Pakunopa mhedziso yetsamba wozonyora zita kana wadarika mutsetse. Mhando yerondedzero yakadai iri nyore pakuti ukangotevedzera zvinodiwa mukunyora tsamba unokohwa pakuru.
Rondedzero yekukosha kwemvura yaida vana vane hutsanzi hwekutamba nezvirungamutauro zvaipinda apa kunyanya madimikira nenyaudzosingwi. Hatitarisiri kuona zvipauro kunze kwekunge munhu atohuhunidzirawo pano neapo.
Pakupera kwepepa nzwisisiso yainge yakanaka asi zvaidawo huchenjeri hwekuvaka zvirevo zvizere zvinova ndizvo zvinonyanyotarisirwa kana kusashandisa mavara makuru zvakanaka kunodonhedza zvibodzwa.




