Makuwerere paBudiriro 2 High

AKANGE ari makuwerere svondo rapera pachikoro cheBudiriro 2 High, muHarare apo vana vechikoro vakakunda vamwe muzvidzidzo, mitambo nezvimwe zvakasiyana vaipihwa mibairo.

Vachitaura pachiitiko ichi, chamangwiza weCollege Press Publishers, Mai Natsai Gurupira, vakati zvakakosha kuti vadzidzi vafunde nesimba kuitira kuti vagobudirira.

“Kune avo vatapa mibairo yekukunda mune zvekuverenga, kunyora, mitambo netsika zvinoratidza mabasa akanaka ari kuitwa nevadzidzisi pamwe nevakuru wezvikoro nekudaro ngazvirambe zvakadaro. Zvakare ndinoti zvakakosha kuti vadzidzi vafunde nesimba uye ndinotenda vadzidzisi nemoyo murefu mubasa ravo munguva yatiri,” vakadaro.

Vakakurudzira vasina kuwana mibairo kuti vashande nesimba vagobudirirawo mune remangwana. Vana vakapihwa mibairo inosanganisira mabhuku enyorera neekuverenga.

“Vabereki zvakare ngatibatei basa pamwe nevadzidzisi muchionawo basa revana zvakaita sekunyora nekuverenga zvavanenge vapihwa nevarairidzi vavo,” vakadaro Mai Gurupira.

Vanoti chishuwo chavo chekuti vemakambani nemasangano akazvimirira varambe vachitsigira zvirongwa zvedzidzo munyika.

Mukuru weBudiriro 2 High, VaGardiner Chikoore, vanoti chikoro chavo hachisi kudzokera shure pakushanda nesimba kuti vabudirire muzvidzidzo.

“Mudunhu reGlen View/Mufakose, Budiriro 2 High ndicho chikoro chitsva asi vana vari kupasa zvakanyanya. Vazhinji vakauya pachikoro chino vaibva mumakoreji uye ndinotendawo vadzidzisi vedu nebasa guru ravari kuita,” vakadaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×