Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yobatana nemasangano akazvimiririra mukurwisa nyaya dzemhirizhonga kuvanhukadzi, kunyanya idzo vapari vemhosva nenharaunda vanogona kunenera mapfekero emunhu vachiti ndiwo akonzera kuti abatwe chibharo, zvinova zvisingagamuchirwi nemutemo.
Vachitaura pachirongwa cheInternational Denim Day kana kuti Sexual Assault Week icho chakaitirwa muHarare nomusi weChitatu svondo rino, VaErnest Chimbodza vanova provincial development officer kubazi rinoona nezvemadzimai nekusimudzirwa kwemabhizimusi madiki neari pakati nepakati vanoti zuva iri rakauya mushure mekubatwa chibharo kwakaitwa mumwe mwanasikana wekunyika yeItaly uyo aive akapfeka majinhi (jean) nyaya yake ikaraswa nedare reko izvo zvisina kufadza vazhinji.
“Zuva iri rinocherechedzwa zvichitevera kubatwa chibharo kwechimwe chizvarwa chekuItaly asi vava mudare musungwa akatanga kupomera mapfekero ainge akaita mwanasikana uyu mutodo unobata wejinhi. Dare reko rakabva rarasa nyaya iyi izvo zvakaita kuti vagari veko vawanikwe vachiratidzira nekushoropodza mutongo. Kubva ipapo, nyika dzepasi rose dzakabva dzadzika zuva iri kuti ringe richicherechedzwa nomusi weChitatu chekupera kwemwedzi waKubvumbi gore negore,” vanodaro.
“Mapfekero anoitwa nemadzimai kana varume haisi pasipoti yekuti vabatwe chibharo nekuti kana zvaidaro vanhu vakawanda vari kunyika dzevachena vaitoperaka kubatwa chibharo nekuti vanopfeka zvikabudura nedzimwe mbatya dzinoratidza zvemukati. Nekufamba kuri kuita nyaya dzefashoni uye kusanduka kwezvinhu, muno muZimbabwe muzere nevanhu vari kupfeka mbatya dzakashama saka ngatisiyanei nekumbunyikidza vanhukadzi,” vanodaro.
Mai Maceline Mukwamba vanova director kusangano reAdult Rape Clinic vanoti vanotsigira madzimai nevanasikana vanombunyikidzwa nenzira yechibharo.
“Tinokurudzira kuti vese vanenge vambunyikidzwa nechibharo vakurumidze kuwaniswa nzira dzekurapwa maawa72 asati apfuura, kupangwa mazano nekudzivirirwa kutapurirwa hutachiona hweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde (Post – Exposure Prophylaxis) uye kudzivirirwa mukubatira pamuviri. Munhu anenge abatwa chibharo anoshungurudzika zvakanyanya mundangariro saka anoda rutsigiro kuti azoenda kumatare edzimhosva,” vanodaro.
Vimbainashe Nyika anova murongi kusangano reWomen’s Action Group anoti zuva iri rakakosha nekuti rinopa mikana kuvanhukadzi wekuti vawaniswe ruzivo maringe nematanho avanokwanisa kutora mukudzivirira mhirizhonga.




