Abel Ndooka
MURAIRIDZI wechikwata cheN’ombeyawora, iyo inokwikwidza muZIFA Northern Region Division One – Nesbert ‘Yabo’ Saruchera – anoti parizvino vari kurwira kuti vagopinda muCastle Lager Premier Soccer League mwaka unotevera.
N’ombeyawora iri kukwikwidza muDivision One kekutanga uye ndiyo iri kutungamira palogo reNRSL zvichitevera kuhwina kwayaita mitambo miviri nekuita mangange mumwe wacho izvo zvaiona iine zvibodzwa zvisere kubva pamitambo mitatu.
Mumutambo wekutanga, yakazvambaradza Pam FC 4 – 0, wechipiri ikazvambura zvekare Harare City 4 – 0 ndokuzoita mangange 1 -1 neBlack Rhinos FC svondo radarika, chikwata icho chakamborairidzwa naYabo kare.
Muhurukuro neKwayedza, Yabo anoti sechikwata chavari kushandira kupinda muPSL mwaka unotevera.
“Tiri kurwira kupinda muPSL mwaka unotevera uye ticharwa semvumba kusvika tapinda.
“Tichitarisa chikwata chatinacho nematambiro atiri kuita parizvino, zvinotorakidza zvega kuti tiri kurwira kupinda muPSL uye isu ndizvo zvatiri kuda, hakuna chimwe chinhu chatiri kutsvaga,” anodaro Yabo.
Svondo rino, N’ombeyawora iri kusangana neCranborne Bullets iyo yakamborairidzwa zvekare naYabo makore adarika.
Anoti mutambo wechikwata chake neCranborne Bullets uchange wakaoma sezvo uri mukuru ndewederby.
Yabo anoti anoziva matambiro anoita Cranborne Bullets sezvo akamboirairidza.
“Mutambo wedu wesvondo rino wakaoma, ndewederby asi tinoziva zvedu matambiro anoita Cranborne Bullets nekuti ndakamboishandira kare ndiko kwandakabva uye vatambi vamwe variko ndakamboshanda navo.
“Saka tichatosunga dzisimbe kuti mutambo uyu tiuhwine sezvo tiri shasha dzakatomirira kupinda muPSL kupera kwemwaka uno.
“Tinoziva kuti rwendo rwekurwira kupinda kuPSL rwuchiripo nekudaro ticharwa semvumba,” anodaro Yabo.



