Mapofu 2 anogara oga

CHEMBERE mbiri dzekwaMurehwa idzo dzinorarama nehupofu dziri kugara upenyu hunosiririsa sezvo pasina anodzibatsira mumabasa epamusha akaita sekubika, kugeza nekuchera mvura.

Mbuya Mavhu Chikowore (103) vemubhuku raMusekiwa, kwaShe Mangwende, vanogara nemwanasikana wavo uyo akwegurawo, Denis Marufu (78), muimba imwe chete iri pamusha pavo.

Chembere mbiri idzi, nekuda kwekushaya muchengeti, dzinonzi dzinoshandisa imba imwe chete iyi sechimbuzi.

Vatori venhau veKwayedza vakazvionera pavakashanya uku sezvo vakawana zvinhu zvakangoita manyama amire nerongo mumba munogara vaviri ava, ndokugashirwa nekamweya kaisakomborera.

Mbuya Chikowore vanonzi vakaita bofu makore matatu akadarika asi mwanasikana wavo akapofomara aine makore maviri okuzvarwa.

Pakasvika Kwayedza pamusha apa pairatidza kuti pakanga pasina chabikwa musi uyu apo ainge ava masikati.

Mbuya Marufu vanoti vanorarama upenyu hunorwadza zvikuru vose naamai vavo.

“Ndini ndinobika muno kunyangwe ndisingaone. Dzimwe nguva ndinozvipisa ndabata moto kana kuzvirasira maporiji esadza. Kutora huni chaiko panze ndinomborasika ndichitevedza madziro.

“Hamuna chakanaka muno, kubvisa tsvina yaamai ndini ndinozviita uye ini zvangu ndinokwanisa kunozvibatsira kunze. Tsvina yaamai ndinoita yekubata nemawoko, vanozviitira sezvo vasisagone kufamba kana kusimuka,” anodaro mwanasikana uyu.

Kwayedza yakaudzwa kuti vose vaviri ava vanozvibatsirira mumba mavo nguva zhinji.

Mbuya Marufu vanoti havana anovatengera zvekudya kana kuvapawo mari chaiyo zvisinei nekuti vane vazukuru vanodarika makumi maviri, vamwe vacho vanoshanda.

“Takaberekwa tiri vasere naambuya vamunoona ava, iniwo ndikabereka mwana musikana mumwe chete. Hanzvadzi dzangu nevakoma vangu nevanin’ina vakabereka vana vakawanda avo vapenyu asi hakuna anoticheuka pano. Tiri kudya nhoko dzezvironda ini naamai vangu ava.

“Ivo amai vanorwara, vane guvhu rakazvimba uye vanogara vachigomera nekurwadziwa.”

Dambudziko guru revaviri ava nderekuti havakwanise kurima sezvinoita vamwe nekuda kwehupofu izvo zvinoita kuti vagare vaine nzara.

Murume waMbuya Marufu akashaika kare pamwe nevamwe vana vanomwe vavakabereka vose.

“Kana ndichida kuchinja amai nzvimbo, ndinoita vekudhonza kuvaisa pamwe ndozokorobha. Dzimwe nguva mvura ndinochererwa nemwana wehanzvadzi yangu, Onisimo Musekiwa (44), uyo anombotitsvagirawo zvekudya kana azviwana. Iyewo haashande asi kuti anorima bindu uye ane mudzimai nevana vana saka haazvikwanisewo,” vanodaro Mbuya Marufu.

Muzukuru wavo Musekiwa anoti inyaya yakaoma zvikuru yekurarama kwaambuya natete vavo nekuda kwehupofu hwavainahwo.

“Ambuya vaimbogara kumba kwavo voga ndokuzouya kwatete uko vave kugara vari vaviri. Ndini ndinovatsvagira huni nekuvacherera mvura dzimwe nguva. Kana zvakaoma vazadza tsvina ndinouyawo ndichiwacha mbatya nemagumbeze avo.

“Kudya ndinotsvagawo zvichienderana nemawaniro angu nekuti handishande,” anodaro muzukuru uyo anoti haana kana mombe pamusha.

Vanoti vane hanzvadzi, vanin’ina nevakoma vakawanda avo vasina basa naambuya natete vavo.

“Kana ndichida kuti vauye ndinonyepa kuti gogo varwara zvekuda kufa, vanobva vauya vachimhanya. Pasina izvozvo hapana anouya kuno,” vanodaro.

Panyaya yehurwere hwambuya, vanoti vakazvimba guvhu iro vakanzi vanovhiiwa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals asi hama dzavo dzakazoramba.

“Taimbovaendesa kuchipatara cheSt Pauls Musami uko vakanga vapihwa tsamba yekuti vanovhiiwa kuParirenyatwa vachinzi vane denda re’hernia’. Asi hama dzavo dzekwaNzungu dzakazoramba dzichiti vakwegura,” vanodaro VaMusekiwa.

Vanoti havakwanise kuti ambuya ava vanovhiiwa kana hama dzavo dzisingade nekutya mhosva.

Chembere iyi payakaedza kuitwa hurukuro nayo yakatadza kutaura zvainzwika sezvo vaingobvunza kuti ndivanani vaida kutaura navo, kunyangwe zvazvo vaipindurwa kuti vatori venhau.

Kwayedza yakazokumbira kuratidzwa guvhu rakazvimba iri ikazvionera.

“Dai tabatsirwa nezvinhu zvakaita sechibage kana hupfu, mafuta ekubikisa, shuga, sauti, magumbeze, mbatya, sipo, mafuta ekuzora, mari yekurapisa vaviri ava nezvimwewo zvakasiyana, “ vanodaro VaMusekiwa.

Kune vanoda kubatsira chembere mbiri idzi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0718 345 258 votaura naVaMusekiwa.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *