MURUME wekuMt Darwin akawanikwa akafa akavhiiwa ganda rose remumusoro uyo waive wakapwanyiwa uye usina nzeve yekuruboshwe munyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nemishonga yekuchekeresa.
Mutumbi waEdmore Mwedziwendira (43) wekwaChibaya, kwaNembire, wakawanikwa uine ronda rakadzika pahuro uye dehenya remusoro rakapwanyika.
Mapurisa akatosunga vanhu vatatu vari kufungirwa kuti vane chekuita nemhosva iyi.
Mapurisa anoti nyaya dzehumhondi dziri kuramba dzichiwanda zvekuti kubva pakati pemwedzi waZvita naNdira pakaparwa mhosva dzerudzi urwu dzinosvika 12.
Mutauriri wemapurisa munyika, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti mapurisa akasunga vanhu vatatu vari kufungirwa kuti vakapara mhosva iyi mukati mamazuva matatu yaitika.
“Mushure mekusungwa kwevatatu ava, vanoti Tinashe Nyarunge, Kilford Mutimure naTakesure Chiunza, vakabvuma mhosva yavo uye vachiri mumawoko memapurisa vakamirira kuenda kudare,” vanodaro.
“Mufi, Edmore Mwedziwendira, ange ari muridzi wechitoro cheMwedziwendira Shop paChikwira Business Centre. Pazuva iri, iye naTatenda Mwedziwendira vakavhara chitoro vachibva vanorara kumabhedhuru kwavo. Papera kanguva, Tatenda akazoenda kubheduru kwaEdmore uko akaedza kuzarura musuwo asi akawana wakakiiwa nechekunze.
“Akazovhura musuwo nechisimba ndokuona ropa pasi. Akanomhan’ara kumapurisa vanove vakauya vakaita ongororo. Ndipo pavakazoona mutumbi waEdmore uri kumakuva ari chinhambwe kubva pachitoro.
“Mapurisa akazoona zvakare kuti mutumbi uyu wakange wakavhiiwa ganda rose remumusoro, usina nzeve yekuruboshwe uye uine ronda rakadzika pahuro,” vanodaro Snr Asst Comm Charamba.
Vasungwa vatatu ava vanonzi vakabvuma mhosva yavo vachiti kuuraya kwavakaita kwaive nechekuita nekushandiswa kwemishonga yekuchekeresa uye vakadura kuti vakatumwa nemumwe mudzimai ane mukurumbira mumabhizimusi wemuguta reHarare.
“Zvisinei, mudzimai wavari kutaura uyu havana kunyatsomududza,” vanodaro. Mune imwewo nyaya, mumwe musoja wekuInkomo Barracks anonzi akatema mudzimai wake nedemo mushure mekunetsana.
Snr Asst Com Charamba vanoti pachiri kuitwa ongororo yenyaya iyi. “Nomusi wa12 Kukadzi, mumhan’ari – Rudo Mandizha – akaita kusanzwanana nemurume wake Maxwell Nyamuri kubhuku rekwaMandaza kwaMubaira, kuMhondoro.
“Murume wake musoja anoshandira kuInkomo Barracks. Mumhan’ari akashevedzera kune veruzhinji kuti vamubatsire asi pavakasvika vakawana atotungidza imba.
“Musoja uyu anonzi akatema mudzimai wake nedemo mushure mezvo kwave kutungidza imba. Vana vatatu vaive muimba umu havasati vazivikanwa kuti vakaenda kupi. Mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi,” vanodaro.
KwaNyamweda, kuMhondoro kwekare, mumwe murume anonzi Simbarashe Manakamwe akabaya musikana ane makore 15 ekuberekwa nebanga kusvika akafa achimupomera mhosva yekuti akange omuramba. – The Sunday Mail.




