Mapurisa 179 vapedza zvidzidzo

Muchaneta Chimuka
MAPURISA 179  eZimbabwe Republic Police (ZRP) Support Unit nemusi weChishanu chino vakatambidzwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvinofambira nebumbiro remutemo wenyika mukubata kwavo basa nekuchengetedza runyararo.

Pamapurisa aya pane munhukadzi mumwe chete, uye vakaita zvidzidzo zvinosanganisira nhoroondo yeZimbabwe, bumbiro remutemo renyika, kurwisa vavengi, kushandiswa kwezvombo, kuchengetedza runyararo, kushandiswa kweredhiyo nekuziva nzvimbo dzakasiyana, pakati pezvimwe.

Vaive muyenzi anoremekedzwa, Officer Commanding Support Unit Commissioner David Mahoya, vanoti vanofara zvikuru kuti mapurisa aya akapedza zvidzidzo zvakanaka izvo zvichabatsira kuti vange vachibata basa nemazvo, zvikuru mukuchengetedza runyararo.

“Support Unit inozivikanwa nemukurumbira wekugona basa saka kuwedzerwa kweruzivo pakati pemapurisa kunobatsira zvikuru kuti  vakwanise kurwisa nyaya dzekuparwa kwemhosva munyika uye kuchengetedza runyararo. Tinofanira kushanda nemazvo zvekuti vanhu havafanire kusara vaine mibvunzo maringe nebasa redu,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×