Mapurisa akarumbidzwa

Muchaneta Chimuka
MAPURISA eZimbabwe Republic Police akarumbidzwa nebasa guru raari kuita rekuchengetedza runyararo kune dzimwe nyika.Vachitaura svondo rapera muHarare apo vaichingamidza mapurisa 30 akadzoka kubva kunochengetedza runyararo kuLesotho uko kwaive nesarudzo pasi pemubatanidzwa weSadc Observer Mission, Commissioner-General Augustine Chihuri vakatenda mapurisa nebasa guru ravari kuita.

Chikwata ichi, icho chinodaidzwa kuti Romeo Troop  chaitungamirirwa naChief Superitendent Cosmas Mushore.

“Africa yakakomberedzwa nematambudziko mazhinji ayo ari kudzikisira zvirongwa zvebudiriro zvekuti pane dzimwe dzenguva mari dzinofanira kunge dzichishandiswa mukusimudzira nyika dzinenge dzave kuendeswa kunyaya dzine chekuita nekuchengetedzwa kwerunyararo.”

Vakati Zimbabwe yakatumira mapurisa kuti vanochengetedza runyararo kuLesotho mushure mekunge yatambira chikumbiro ichi munguva pfupi-pfupi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×