Mapurisa aparadza rori rezvinodhaka

Munyori weKwayedza

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akaparadza zvinodhaka zvakawanikwa munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika izvo zvaive zvakazara murori paSally Mugabe Central Hospital muHarare nemusi weChina.

Zvakaparadzwa izvi zvinosanganisira makgs 333,2 embanje yakagayiwa, 293 madzinde embanje zvekare ne15,86g dzecrystal meth kana kuti mutoriro.

Mapurisa akaraparadzawo 214 kgs dzemishonga yezvinwiwa isina kunyoreswa zviri pamutemo uye isingazivikanwe kuti inoshandiswe chii panzvimbo inorasirwa marara kuChitungwiza.

Zvinwiwa zvakaparadzwa zvinosanganisirawo

Energy Philter neKambucha.

Mapurisa akabva panzvimbo iyi mushure mekuona kuti zvinhu zvese zvaparadzwa.

Vaivepo vachiona kuparadzwa kwezvinodhaka izvi vanosanganisira vakuru veNational Prosecuting Authority (NPA), Medicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) nevebazi rezveutano nekurerwa kwevana.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vakarumbidza veruzhinji nekupa mashoko kumapurisa akaita kuti zvinodhaka izvi zviwanikwe pamwe chete nekusungwa kwenhubu dzinozvitengesa.

Zvakaparadzwa izvi zvimwe zvacho zvakawanikwa mudzimba dzekuWaterfalls, Hatfield nepaMazda Motor Industries Complex muHarare.

Zvimwe zvakawanikwa zviri mumotokari dzakasiyana pamiganhu inopinda nekuba nevanhu munyika.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police nemamwe mapoka anosanganisira veMCAZ, vebazi rezveutano nekurerwa kwevana vakaona kuparadzwa kwezvinodhaka izvi nezvimwe,” vanodaro Comm Nyathi.

“Tinoramba tichitenda zvizvarwa zveZimbabwe nekupa ruzivo rwakaita kuti vasungwa ava vasungwe uye tinovakurudzira kuti varambe vachipa ruzivo kusvika vose vanotengesa zvinodhaka vaendeswa kumatare uye tapedza kurwisa dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka.”

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *