Mwanakomana (9) apondwa dumbu ndokuvhurwa . . . Nhengo dzakavandika dzikatorwa

Paul Pindani ari kuCHINHOYI

MUNYAYA yehumhondi hunotyisa zvakanyanya, mwanakomana ane makore mapfumbamwe ekuberekwa akawanikwa akapondwa, dumbu rakavhurwa nepakati uye nhengo dzake dzakavandika ndokutorwa pane rimwe purazi riri pedyo nekuChinhoyi.

Ruoko rwekuruboshwe rwamwana uyu, Munyaradzi Shumba, rwakadimburwa zvekare panguva imwe chete iyi.

Nyaya iyi yakaitika paChogi Farm kuInyathi padyo nedhorobha reChinhoyi.

Mwana uyu anonzi akanga ari kufundza mombe panguva yaakazourayiwa.

Vamwe ndivo vanoti kuurayiwa kwakaitwa mwana uyu kunotevera apo mombe idzo akange ari kufudza dzakadya mumunda wemuvakidzani.

Zvisinei, mapurisa achitarisa maurayirwo akaitwa mwana uyu pamwe nekushaikwa kwenhengo dzake dzakavandika, zvinoonekwa kuti kuita uku kwaive kusina tsitsi dzekuranga munhu atadza bedzi asi kuti pane zvimwe zvakavanzika zviripo.

Vamwewo ndivo vari kufungira kuti nyaya iyi ine chekuita nekuchekeresa.

Zvizhinji zvichabuda mushure meongororo yemapurisa kuti humhondi hwemhando iyi hwakaitwa nechinangwa chei.

Nharaunda iyi inozivikanwa nerunyararo.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland   West, Inspector Ian Kohwera, vanoti mapurisa ari kuchikamu chematikitivha eCriminal Investigations Department (CID) vakasunga Lloyd Gwenhere (32) nemhosva yehumhondi.

Mutumbi wemwana uyu waive nemaronda akadzika kusanganisira dumbu rakavhurwa, pahuro pakabaiwa nebanga uye ruoko rwekurudyi rwakabviswa pamwe chete nenhengo dzakavandika.

Insp Kohwera vanoti Gwenhere akatoonekwa achirova Munyaradzi nomusi weSvondo.

Mangwanani ezuva iri, Munyaradzi anonzi akabatsira sekuru vake – VaIsaac Shumba (70) – kukohwa chibage.

Akazopihwa basa rekunofudza mombe.

Kuma4 zuva rava kudoka, Vongai (29) akatumwa kuti anoshevedza Munyaradzi kuti auye nemombe kumba.

Paakadzoka, Vongai akati akangokwanisa kuona mombe bedzi asi mwana uyu haana kuonekwa.

Izvi zvakatyisa vemhuri iyi.

Mhuri iyi nevamwe vanhu vari munharaunda vakabva vaita muonerapamwe kutsvaka mwana uyu.

Mumwe muvakidzani, Tariro Kwangwari, akazivisa mhuri iyi kuti ainge aona Gwenhere achirova Munyaradzi zuva risati radoka.

“Vakawana mbatya dzake dzizere ropa panzvimbo yaakaroverwa. Ave mangwana acho,vakaenderera mberi nekumutsvaka kusvika vazoona mutumbi waMunyaradzi wakavigwa mumasora chinova chinhambwe chemamita 15 kubva panzvimbo iyo akaponderwa izvo zvakaita kuti Gwengere ange achisungwa,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

“Mapurisa emudunhu reMashonaland West vari kukurudzira veruzhinji vangava neumbowo kana ruzivo maringe nezvenyaya iyi kuti vazivise mapurisa ari padyo navo,” vanodaro.

Kuurayiwa kwemwana uyu kunotevera dzimwe nyaya dzine chitsama dzekuurayiwa kwevana  nechinangwa chekuchekeresa munzvimbo iyi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×