Opikira kuda kuuraya hanzvadzi segonzo

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza wekushungurudza hanzvadzi yake pamwe nekutyisidzira nerufu achiti anotomuona segonzo raanogona kuuraya nyore akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi minomwe izere.

Given Parehwa (25) wekuZengeza 4 akadhonzerwa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Court nemhosva yemhirizhonga uye kutyisidzira hanzvadzi yake, Talent Parehwa (35), pamwe chete nemhuri yake nerufu.

Given aigara pamba pamwe chete nehanzvadzi yake pakaitika botso iri.

Akatongwa pasi pechikamu chemutemo weSection 3(1)(a) of the Domestic Violence Act Chapter 05:06 Intimidation

Muchuchisi Passmore Rulenso vakaudza dare kuti nomusi wa8 Chivabvu gore rino munguva dzemanheru, Given akangotanga kupopota achiti anoda kuuraya hazvadzi yake, Talent, pamwe nevana vake.

“Akangotanga kupopota tisina chatamutadzira, akatoti akatitarisa (kureva ini nevana vangu) ari kutotiona semakonzo ayo anogona kutouraya zviri nyore zvakaita kuti timumhan’arire kumapurisa,” anodaro Talent  achiudza dare.

Zvisinei nekuti Given akamboedza kuvhika mhosva iyi achiti haana kutukirira kana kuvimbisa rufu kuhanzvadzi yake nevana, mutongi Karen Jeffery vakamubata nemhosva.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *