Mapurisa orumbidzwa nekupfuya huku

Agric1
OFFICER Commanding PPU Northern District, Chief Superintendent Maria Mahachi (vechitatu kubva kurudyi), vachitambidza bhara nezvipo kuna Assistant Commisioner Alfios Mpofu kuAdelaide Acres, muHarare nguva pfupi yadarika apo vamwe vaive vakatarisa. —Mufananidzo: Abel Ndooka

Abel Ndooka
MAPURISA eZimbabwe Republic Police kuchikamu chePolice Protection Unit Northern District, muguta reHarare akarumbidzwa zvikuru nguva pfupi yadarika nechirongwa chekupfuya huku icho chavakavamba kutanga kwegore rino nedonzvo rekuvandudza basa ravo kuburikidza nemabhindauko emawoko.

Vachitaura pamhemberero dzeKisimusi nekupera kwegore dzakaititwa kuAdelaide Acres kuWaterfalls muHarare, Assistant Commissioner (Operations) Police Protection Unit Province Alfios Mpofu vakatenda zvikuru PPU Northern District nechirongwa ichi.

“Ndinokurumbidzai nebasa ramuri kuita iro rinodadisa zvikuru, makateerera mashoko atakambotaura ekuti tsvagai zvirongwa zvekuita zvakasiyana zvekutsvaga mari yekusimudzira dunhu redu.

“Tinoziva kuti mari iri kunetsa kuwana uye zvimwe zvirongwa zvatinoda zviri kutadza kuenderera mberi asi imi makakwanisa kuuya nechirongwa ichi chekupfuya huku.

“Chirongwa ichi chakanakisa zvikuru uye chakakosha sezvo chichibatsira kuvandudza mashandiro edu atinoita pasangano redu,” vakadaro Asst Comm Mpofu.

Chirongwa ichi chakavambwa nechinangwa chekutsvaga mari yekubatsira kufambiswa kwebasa remapurisa kudunhu iri reNorthern District.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×