Kurima gavakava/zivati kunobatsira

aloe veraClifford Tsigo
KURIMA gavakava kana kuti zivati (aloe) kunobatsira zvikuru sezvo muto wacho uchinzi wakakosha panyaya dzekuchengetedza utano kunyangwe zvazvo vamwe vanhu vachiona sezvisina pundutso.Chirimwa ichi hachidi zvakawanda zvekushandisa pakuchirima, mungave mushedhi kana pane imwe nzvimbo.

Rinoda kurimwa panzvimbo pane ivhu rinofambisa mvura zvakanaka uye murimi anogona kushandiswa manyowa kana mashizha emiti akaoma.

Gavakava haridi mvura yakawanda nekudaro murimi anokwanisa kudiridza kaviri chete pamwedzi kana iri nguva yechando uye kakapetwa kaviri kana iri imwe nguva yakafanana neyematsutso.

Rinoda kuiswa fetereza kaviri pasvondo kubva mumwedzi waKubvumbi kusvika Gunyana.

Kana gavakava rakura rinenge roda kudyarwa rimwe zvakare kubva pamabukira acho.

Zvakadaro, mashizha manyoro egavakava ane muto unobatsira mukupedza matambudziko akasiyana anokanganisa ganda remunhu. Muto wegavakava unobatsira mukupfavisa ganda rinenge rakaomarara pamwe nezvitsitsinho negokora.

Unobatsira zvakare pakupomhodza marwadzo kana munhu achinge arumwa nehumhutu kana kutsva nezuva.

Mashizha acho anogona kuiswa mufiriji kwemazuva anoverengeka apo anozoshandiswa.

Zvakadaro, kune vamwe vanokurudzira kuti munhu anwe muto wegavakava vachiti zvinobatsira mupomhodza marwadzo emudumbu pamwe nezvimwe asi muto wacho unovava zvikuru.

Zvakakosha kuti munhu atange atsvaga mazano kubva kuna chiremba akadzidzira basa asati ashandisa gavakava kurapa hurwere hunenge hwakanyanyisa.

Clifford Tsigo ndiHead: Business Development of the Zanu PF Youth League and Lasch Enterprises P/L Joint Venture. Vanokwanisa kubatika panhare dzinoti (04) 668773 kana padandemutande rinoti [email protected]

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×