Kingstone Mapupu
MAPURISA anoti ari kushushikana zvakanyanya nekuda kwekuwanda kuri kuita nyaya dzekupondana kumatunhu akadai seMidlands.
Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya dzekupondana kwevanhu dziri kuwanda mudunhu iri.
Izvi zvinotevera nyaya nhatu dzekupondwa kwevanhu zvisina tsarukano kunzvimbo dzakasiyana kuMidlands nekuda kwezvikonzero zvisina tsarukano nguva pfupi yadarika.
Munyaya yekutanga, murume wemakore 42 ekuberekwa wekuMvuma akafa mushure mekurohwa zvakaipisisa nemukoma nemunin’ina wake avo ainwa doro navo munguva pfupi yadarika.
Mune yechipiri, mapurisa eZRP Gweru vakawanawo mutumbi wemurume mumugwagwa kuLower Gweru.
Munyaya yechitatu, murume wekuMberengwa akafa achimhanyiswa kuendeswa kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospital apo akarohwa nemurume waainwa naye doro panzvimbo yemabhizimisi yekwaYork kuMberengwa.
Insp Mahoko vanoti nemusi wa4 Nyamavhuvhu nenguva dza1pm, Week Mudenda wekuCentral Estates kuMvuma ainwa doro nevamwe vanosanganisira Joseph Kunyai (35) naTawanda Daniel (36) vekwasabhuku Mavhimira kwa Mambo Nerutanga kuBuhera.
“Pakazomuka kusawirirana pakati paMudenda nevarume vaviri ava vakabva vatanga kumukutsirana vachimurova netsvimbo, zvibhakera, nebhutsu kusvikira afenda. Akazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheMvuma hospital uko akasvikofa nemusi wa5 Nyamavhuvhu nenguva dza0800 hours,” vanodaro Insp Mahoko.
Varume vaviri ava vakatosungwa avo vaiva vakamirira kuendeswa kumatare edzimhosva nekuda kwenyaya yekuponda iyi.
Vanoti Richard Mwedzi wekwaSabhuku Mwedzi kwaNeshuro kuMwenezi akafa achitakurwa kuendeswa kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals arohwa zvakare.
Insp Mahoko vanoti nemusi wa3 Nyamavhuvhu nenguva dza10:30 manheru, Mwedzi ainwa doro apo akatanga makakatanwa naNelson Mathuthu (22) wekwaSabhuku Zvinonyanya kwaMambo Chikiti kuMwenezi nekuda kwenhare yaiva yashaika.
“Mwedzi aipomerwa kuti aiva aba nhare apo Mathuthu anonzi akatora tsvimbo yekutambisa snooker ndokurova Mwedzi muviri wese nayo achibva atiza. Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa vakazotakura Mwedzi kumuendesa kuchipatara cheMberengwa District Hospital uko akasvikorapwa uye akadarikidzwa kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals akazofira mumugwagwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Mathuthu anonzi akabva asungwa nekuda kwenyaya yekuponda yaaipomerwa.
Nemusi wa5 Nyamavhuvhu nenguva dza6:15am, mapurisa ekuGweru vaifamba nemotokari nemugwagwa weLower Gweru apo vakaona mutumbi wemurume waiva padivi pemugwagwa uyu.
Mutumbi uyu waiva waGenius Zvarebwashe (22) wekuWoodlands Surbubs kuGweru.
“Wakazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheGweru Provincial Hospital kunoongororwa nanachiremba. Tinokumbira kuruzhinji kune vanoziva zvakaitika kuti vataurire chero mapurisa avari padyo navo. Senguva dzose, tinokurudzira vanhu kuti kana vaita matambudziko ekutadza kuwirirana ngavataurirane zvine runyararo pasina kurwisana kana kutsvaga vayananisi,” vanodaro Insp Mahoko.



