Lovemore Kadzura
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuChipinge ari kutsvaga murume akaba mbudzi gumi ndokuuraya dzimwe apo dzakasara dzacho dzakazowanikwa dziri mudanga rake.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoti ari kutsvagwa ndiRaphias Matsika wemubhuku raGumira kwaMambo Musikavanhu, kuChipinge nemhosva yekuba mbudzi idzi.
Matsika ari kupomerwa kuba mbudzi dzaTsitsi Ngezi.
“Nomusi wa27 Chikumi, 2027, nenguva dza7 mangwanani mubhuku raGumira, vamwe vagari vemo vakaona mudanga remunhu ari kupomerwa mhosva muine mbudzi gumi.
“Nekuziva kuti munhu ari kupomerwa mhosva haana mbudzi, vakabva vanyevera mapurisa ayo akabva aenda kumba kwake.
“Ari kupomerwa mhosva akabva atiza achisiya mbudzi nhanhatu pamba pake. Panzvimbo apa pakaonekwawo paine mabhonzo nemisoro yembudzi mina yaive yakabviswa nyama sezvo dzakange dzaurayiwa.
“Mumhan’ari akakwanisa kuziva mbudzi dzake uye nyaya iyi yakamhan’arwa kukamba yeZRP Middle Sabi.
“Hukoshi hwembudzi dzakabiwa hunosvika US$300 apo dzinokosha US$180 dzakaburwa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.




