Mapurisa ovhima mhondi dzakauraya munhu

Muchaneta Chimuka

MUMWE murume wekuDomboshava, uyo akawanikwa arere parutivi pemugwagwa aine zvironda zvakadzika mumusoro, akashaya mushure mekuendeswa kuchipatara.

Nyaya yekurohwa kwake yainge yamhan’arwa kumapurisa, nokudaro vakapara mhosva iyi vari kutsvakwa nemeso maviri.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashnaland East, Inspector Simon Chazovachii, vanoti nyaya iyi yakaitika musi wa16 Nyamavhuvhu, munguva dzemangwanani.

Vanoti munhu akaziviswa nezvenyaya iyi, Tawanda Mundimba (31), wekuMunetsi village, Chinamhora, akange aenda kuMolife Business Centre, kuDomboshava, kunotenga doro.

“Achisvika pazvitoro izvi, akasangana nemumwe mudzimai anonzi Rutendo Makamba (26), wekuMolife, kwaSabhuku Chinamhora, kuDomboshava, uyo akamuudza kuti akange aona Luckmore Bushu (30) akarara padivi pemugwagwa, pedyo nechikoro cheMolife Primary, kuDomboshava uye akakuvara,” vanodaro.

Vanoti Mundimba akabva aperekedzwa naMakamba kunzvimbo yainge iina nyakurohwa.

“Vakasvikowana akazvambarara parutivi rwemugwagwa weMolife, akazara ropa, muviri wake uine maronda akadzika nechekurudyi kwemusoro.

Mundimba akahaya tekisi, ndokuendesa murume uyu kumapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) Chinamhora, uko akanomhan’ara nyaya yekurohwa iyi. Akazoendesa nyakurohwa kuMakumbi District Hospital, uko akarasikirwa neupenyu achangosvika,” vanodaro. Mundimba akazivisa mapurisa nezvekufa kwainge kwaita murume uyu.

“Matikitivha maviri eCriminal Investigations Department (CID) Murewa (Chinamhora Base) neZRP Chinamhora vakaenda panzvimbo vakaona paine ropa rakajenga panzvimbo mbiri dzaive chinhambwe kubva paainge akarara . . . Kuferefeta kwekutanga kwakaitwa panzvimbo iyi uye kuMolife Business Centre hakuna kuburitsa umboo huzere maringe nefiro yake,” vanodaro.

Inspector Chazovachii vanoyambira voruzhinji vane ruzivo nezvevanhu vakapara mhosva iyi kuti vazivise mapurisa ari pedyo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *