‘Mapuromota musatitarisire pasi’

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-jazz Tongai Gwaze – uyo vazhinji vanoziva saGreat Man – anoti mamwe mapuromota nevamwe vari muindasitiri yemimhanzi vanotarisira vaimbi vakaremara mitezo pasi zvisinei nekuti vanenge vaine zvipo zvakakomba.

Vanhu vazhinji vakatanga kuziva nezvaGreatman zvichitevera kambo kake kaakaita naSuluman Chimbetu kanonzi “Pandakazvarwa” ako kanotaura zvekukura kwake achirarama nehurema.

Greatman akazvarwa ane chirwere chemyopathy icho chinomuitisa kuti agare ari pawiricheya sezvo asingakwanise kushandisa nhengo dzemuviri wake dzakasiyana kusanganisira makumbo uye mawoko sezvo akazvarwa akawoma mitezo.

Muhurukuro neKwayedza, Greatman uyo anotungamira chikwata cheGreat Generations anoti anoshungurudzika nekutarisirwa pasi kwaanoitwa nemamwe mapuromota nevaimbi.

“Zvinhu zvinondishungurudza kuona vamwe vaimbi uye mapuromota vachinditarisira pasi nekuti vanoti Great Man haagone kuita shoo ari ega.

“Asi mhanzi iri mandiri uye ini ndakazvipira kushanda, hapana chinondidzosera shure. Mhanzi ndiyo yakandirera kuti ndisvike pano uye ndicharwa kuti zita rangu risvike kure,” anodaro Greatman.

Greatman akakurira kuMhangura uko kwaakatanga kuita zvemimhanzi.

Anoti achikura kuMhangura, vanhu vemunzvimbo iyi vaimutsigira zvakanyanya kuti asimukire munyaya dzezvemimhanzi.

“Vanhu vemuMhangura vakanditsigira zvikuru nekuti vaiziva zvandiri uye vaiziva kuti mhanzi ndinoida zvakanyanya.

“Asi, chinhu chimwechete chaindidzorera shure inyaya yekuti mastudhiyo ekuMhangura ainge akasarira saka aisanyanyobika mhanzi yakanaka yandaida,” anodaro Greatman.

Dzimwe nziyo dzemuimbi uyu dzinosanganisira Gegede naCheziya.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *