WC yakandivhura mhanza: Perpetual

Abel Ndooka

KAPUTENI wechikwata chenyika chenetball chemaGems, Perpetual Siyachitema, anoti zvekutamba mutambo uyu zviri muropa uye kuenda kwavakaita kunokwikwidza kuWorld Cup yakaitirwa kuLiverpool, kuEngland nguva yadarika kwakavavhurira mikana yakasiyana.

MaGems akanyora nhorowondo kuve chikwata chekutanga kubva muZimbabwe kuenda kunokwikwidza kuWorld Cup uko chikwata ichi chakanotamba zvinodakadza.

“Hakuna zvimwe zvikwata zvevarume zvemuno zvakamboenda kuWorld Cup sesu asi ndinoti kuburikidza nekuenda kwatakaita kumakwishu aya kwakativhurira mukana uye netball yave kutsigirwa.

“Kubva ndakatanga kutambira maGems mugore ra2009, ndaingoshuvira kutambira netball kumakwishu makuru uye ndakazokwanisa kuzviita. Kumutambo uku ndaiziva kuti kwaizouya shasha kubva kuzvikwata zvakasiyana, kunyanya zvekuAustralia kuzonditarisa ndichitamba,” anodaro Siyachitema.

Siyachitema akazvarwa mugore ra1983 kuChitungwiza uko kwaakakurira.

Akadzidza kuzvikoro zvinoti Tasimukira Primary School, Seke 5 High neSeke 3 High.

Anoti achiri kuchikoro, ndipo paakatanga kutamba netball achitevera matsimba amai vake nemukoma wake avo vakambotambawo mutambo uyu.

Shasha iyi yakazvarirwa mumhuri yevatambi vemitambo yakasiyana sezvo baba vake – Fanuel Siyachitema – vaimbove mutambi wenhabvu ane mukurumbira kunyika yeZambia.

Amai vake nemukoma wake vese vaitamba netball muNetball Super League.

“Ndakazvarirwa mumhuri yevatambi vemitambo yakasiyana, baba vangu vaive mutambi wenhabvu ane mukurumbira kuZambia kozoti amai uye mukoma wangu vese vakatamba netball muSuper League.

“Vabereki vangu vaitoti ramba uchiita zvemitambo nekuti zvichazokupa pundutso uye ndiri kutozviona zvichitoitika iye zvino,” anodaro.

Anoti mwanasikana wake – Gugulethu – uyo ane makore 16 ekuberekwa, ari kutambawo netball pamwechete nebasketball.

“Mwanasikana wangu anotambawo netball nebasketball saka ndinofara chaizvo kuti tine zvatinofarira pamwechete.

“Iniwo ndichikura ndaimbotamba basketball panguva yandaitamba netball asi ndakazosiya basketball nekuti netball ine zvakawanda zvakayakanakira sezvo une mukana wekuzopinda basa.

“Tiri kumba, ndinoshanda nemwana wangu ndichimubatsira zvakasiyana zvemutambo uyu, ndinoda chaizvo kuti azosvike kure mumutambo uyu,” anodaro.

Shasha iyi yakwanisa kutambira zvikwata zvinosanganisira Matiza Queens, Honde Queens, Telecel Queens, ZRP PPU, Gathsmine, Trojan Mine Bindura, Railstars Bulawayo, ZPC Hanngwe uye parizvino ari kutambira pamwe nekurairidza Glow Petroleum Queens.

Siyachitema anoti murume wake ndiye chiremba wake uye anomutsigira zvikuru mumutambo uyu.

“Murume wangu haadi neni, ndiye chiremba wangu anombondibatsira kana ndakuvara. Anonditsigira zvikuru kunyangwe hazvo ndichipedza nguva ndefu ndisipo ndichifamba nemutambo uyu,” anodaro Siyachitema.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×