Mari yekutenga mushonga weCovid-19 yotsvagwa

Farirai Machivenyika

HURUMENDE iri kutsvaga mari inodiwa kutenga mushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccines), panguva iyo vabati vehomwe yenyika vari kuvimbisa bazi reutano nekurerwa kwevana kuti richawaniswa mari inokwanirana.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nekomiti yedare reParamende inoona nezveutano svondo rino muguta reHarare apo yainzwa mamiriro akaita zvinhu maringe nenyaya yekurwisa kupararira kwechirwere ichi kubva kunyanzvi dzekubazi reutano nekurerwa kwevana.

Bazi iri riri kushandisa hunyanzvi hwezvarakadzidza kubva mune zvimwe zvirongwa zvekubaiwa kwemajekiseni ekudzivirira zvirwere zvakasiyana kuti ruzivo urwu rwuzoshandiswa kana vanhu vave kubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mubazi iri, Dr Robert Mudyiradima, vakabvunzwa nenhengo dzekomiti iyi kuti imarii yakaiswa padivi yekutenga mushonga wekudzivirira Covid-19 ndokuti, “Tichatenga mushonga uyu kubva muhomwe yedu. Takavimbiswa nebazi rezvehomwe yenyika kuti mari iyi ichatsvagwa uye tigopihwa.”

Mari iyi haina kunge yaiswa mubhajeti regore rino sezvo nyaya yekutengwa kwemushonga uyu yakazouya bhajeti iri rapedza kuitwa kare.

Zimbabwe yakavimbiswa kupihwa rubatsiro rwepasi rose pamwe chete nedzimwe nyika dzichiri kusimukira pasi pechirongwa chiri kukotsverwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) apowo Britain ichatutsira pamushonga uyu nemajekiseni 3 miriyoni akavimbiswa.

Dr Portia Manangazira vanove Director of Epidemiology and Disease Control mubazi reutano nekurerwa kwevana vakaudza komiti iyi kuti ongororo yegadziriro dzekuti vanhu vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 yakatoitwa uye patove nehurongwa hunofanirwa kutevedzwa pakufambiswa kwechirongwa ichi.

Vanoti Hurumende ichashandisa nzira dzagara dzichishandiswa mune zvimwe zvirongwa zvekubaiwa kwevanhu majekiseni muchirongwa ichi.

“Ndinofara kukuzivisai kuti senyika tine chirongwa chakasimba chekubaiwa majekiseni edziviriro kubva kuzvirwere zvakasiyana, bazi redu – kuburikidza nechirongwa cheExpanded Programme on Immunisation – rakaita ongororo yegadziriro yekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 uye tine chirongwa zvakare cheZimbabwe Covid-19 national deployment and vaccination strategy,” vanodaro Dr Manangazira.

Hurumende yakatozivisa kare kuti vashandi vezveutano vari pamberi panyaya yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, vanhu vari panjodzi yekubatwa nedenda iri nevabati vanochengetedza mutemo nerunyararo munyika, ndivo vamwe vachatanga kubaiwa majekiseni aya.

Majekiseni ekudzivirira Covid-19 achange achibaiwa kune vanoda.

Dr Manangazira vanoti Hurumende yange ichiongorora zvakare mimwe yemishonga yekudzivirira Covid-19 yave kuwanikwa pamisika yepasi rose uye iri kusarudza mishonga inogona kuzoshandiswa muZimbabwe asi ichitevedzera zvinenge zvapasiswa neWHO.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×