Covid yatipa chidzidzo: Kapfupi

Kingstone Mapupu

SHASHA yemadhirama, Fred Kapfupi Manjalima, uyo anove muimbi zvakare, anoti chirwere cheCovid-19 chakonzera vaimbi vakawanda nevamwe vanoita zvemitambo kuva marombe uye kuti vadzidze kukosha kwekurongera ramangwana ravo.

Izvi zvinotevera kuvepo kwechirongwa chekurwisa kupararira kwedenda iri kubva gore rapera munaKurume apo veruzhinji vasiri kubvumidzwa kuungana nekufamba-famba chelockdown.

Vaimbi vakawanda vanorarama nekuita mashoo ayo asiri kutenderwa pari zvino.

“Chokwadi chaicho zvina Mwari mukati, ini nevamwe vaimbi taparara nenzara kusara tave marombe chaiwo nekuda kwechirwere cheCovid-19. Pachakatanga gore rakapera munaKurume taifunga kuti kutamba uye chichakurumidza kupera apo taiva netumari twaiva mudzimba nemuhomwe nekumabhengi.

“Zvino tumari utwu twose twakapera, izvozvi tave marombe chaiwo ekupedzisira uye tave kudya nhoko dzezvironda, kwete ini chete asi kuti takawanda,” anodaro Kapfupi.

Anoti zvichitevera mutemo wekuti veruzhinji vagare kudzimba senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19, vaimbi vakawanda havana dzimwe nzira dzekuwana nadzo mari kunze kwekuita mashoo ayo asiri kutenderwa pari zvino.

“Ini handife ndakanyarara ndichifa sehwai, kumba kwangu hakuna kumira mushe, kwava nenzara. Regai nditaure ndakamirira vamwe vangu vanoimba nevemadhirama ndichiti tapera nenzara kudzimba uku nemhuri, tatova marombe nekuti kana uchiona mwana mumba achichema nenzara usina chekumupa kana zano zvinoreva kuti wava rombe. Saka ini ndava rombe nevamwe vangu, tinotoda kubatsirwa neruzhinji rwenyika.”

Kapfupi anoenderera mberi achiti, “Kuuya kwechirwere ichi kwatiri isu vaimbi chidzidzo chikuru kuti upenyu hunoda kugadzirirwa uchiwana imwe pfuma yaunochengeta parutivi. Vamwe tinoti tikawana mari tinoidya semishonga, kuidya nemhutwa dzose tosara tisina chatinacho nekuziva kuti imwe mari ichauya.

“Asi Covid-19 yatipa chidzidzo chekuti tinofanirwa kuita mamwe mabasa kunze kwekuimba chete nekuita mitambo yekutevedzera chete.”

Anoti mari yavanowana sevaimbi yakawanda zvekuti vanokwanisa kuita zvinhu zvine pundutso muupenyu asi dambudziko riripo nderekuti havashandise mikana yavanowana.

“Mukatarisa nhorowondo yevaimbi vedu vazhinji haina kuchena, tinonyanya kunakirwa nekusadarikwa nemarokwe kunova kunoperera mari dzedu tichikanganwa ramangwana.

“Saka chidzidzo ichi chakakosha zvikuru kwatiri sevaimbi zvakonzera kuti nditange kunyora kambo nekuda kwechirwere cheCovid-19 kanonzi ‘Ichava Nhoroondo kuVaimbi,'” anodaro Kapfupi.

Hurumende ine zvirongwa zvakawanda zviri kubatsira veruzhinji – kusanganisira vaimbi – avo vakanganiswa raramo dzavo nekuda kweCovid-19.

Related Posts

Mukadzi (19) abara mapatya ndokuapisa

Raymond Jaravaza MUKADZI ane makore 19 okuberekwa wekuMakokoba, kuBulawayo akasungwa nemhosva yekupisa vana mapatya avo vaaive achangobva kubara uye ndokuzonovakanda kunzvimbo inorasirwa marara. Akazivikanwa saPraise Chibwanda. Mitumbi yemapatya aya yakawanikwa…

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×