Marist Brothers hutu nemukombe

Ed5
Farai Munjoma (kurudyi) achigashidzwa mukombe naSimbarashe Mabaira, wevaongorori vemakwikwi

Daphne Machiri
CHIKORO cheMarist Brothers Nyanga ndicho chakahwapura mukombe mumakwikwi enyika yose eJunior Achievement Zimbabwe Competitions ayo anokurudzira kuverenga mabhuku nekuita mabhindauko emawoko.Makwikwi aya akaitirwirwa kudunhu reManicaland nguva yadarika uko kwaiva nezvikoro zvaisanganisira Kriste Mambo, St Faith, St Joseph, Mutare Boys High, ZRP High neMpopoma High.

Zvimwe ndezvinoti Mount Pleasant High, Bulawayo Founders, Mzilikazi, Dominican Convent, Harare Girls High nePrince Edward.
Marist Brothers yakapihwa mukombe wekuve nyanzvi mumabhindauko emawoko pamwe newekuverenga.

Izvi zvinoreva kuti chikoro ichi chichanomirira Zimbabwe kumakwikwi eJunior Achievement enyika dzose dzemuAfrica ayo achaitwa nguva iri kutevera kuGabon.

Makwikwi aya anotsigirwa nebhanga reBarclays Bank pamwe chete neJunior Achievement Zimbabwe. Vachitaura pachiitiko ichi, chamangwiza weBarclays Bank, VaGeorge Guvamatanga, vakakurudzira vana vechikoro kuti vave nepfungwa dzekusimudzira fundo yavo.

“Zvakanaka kuti vana vechikoro vaite mabasa emawoko, vave nepfungwa dzakadzama mukusimudzira nyika nekuti ndivo vatungamiri vemangwana,” vakadaro VaGuvamatanga. Muhurukuro naFarai Munjoma, uyo anova chief executive officer weboka revana vechikoro rinonzi Shasha I Seminar paMarist Brothers, akati chikoro chavo hachisi kudzokera shure mukusimudzira mureza wenyika munyaya dzefundo nemabasa emawoko.

“Tinoita mabasa emawoko akasiyana pachikoro chedu ayo anosanganisira kugadzira mushonga webhutsu, bhizimisi rehuchi nekurima zvinova zvinotipa mari. Mari yatinowana tinotenga mabhuku ekunyorera, ekuverenga nekugadzirisawo midziyo yepachikoro.

“Pamusoro pezvo, tine vana vechikoro nherera nevanoshaya vatinobhadharira mari yechikoro nekuvatengera mayunifomu pamwe nezvekudya kudzimba kwavanobva,” akadaro.

Anoti zvakare vane pfungwa dzekutanga chirongwa chedandemutande apo vanenge vachipakurirana ruzivo pamusoro pedzidzo nemabasa emawoko nevana vekune zvimwe zvikoro.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×